Accessibility links

Breaking News

Africaid Yobatsira Vana Vanorarama neHIV/AIDS


Rimwe remasangano anoshanda akazvimirira rinoti riri kushanda nekanzuru yeguta reGweru muzvirongwa zvekubatsira vana vari kurarama neHIV/AIDS. Izvi zviri kuitirwa mumakirinika ekanzuru senzira yekuedza kusimudzira hutano hwevana ava.

Kazhinji kazhinji kana kuchitaurwa nezvematambudziko akatarisana nevanhu vanorarama neHIV/AIDS panowanzotaurwa chete matambudziko evanhu vakuru kwete evana vadiki vari kuraramawo nedambudziko iri.

Nekuda kwekuona izvi, rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega reAfricaid, richishanda nebazi rezvehutano mukanzuru yeguta reGweru, rakaparura chirongwa chekuvamba mapoka erutsigiro kuvana vari kurarama neHIV/AIDS.

Mukuru weAfricaid mudunhu reMidlands, VaSimbarashe Munyonho, vanoti chirongwa ichi, icho chinoziikanwa nezita rekuti “Zvandiri”, chinokurudzira vechiki vari kurararama neHIV kuti vapinde muzvirongwa izvi mumakiriniki pavanopiwa mishonga inoderedza hukasha nemarwadzo, kana kuti anti-retroviral drugs.

VaMunyonho vanoti sangano ravo rakaona zvakakosha kuita chirongwa ichi vakanangana nevana vadiki sezvo vachiti vechidiki ava vanogona kutadza kunzwinzwisa zvinodiwa kuti zviitwe nemunhu ari kurararama neHIV, uyewo vanogona kuremerwa nepfungwa nekuda kwerusarura rwunoitika kuvanhu vane HIV.

VaMunyonho vanoti kunyange hazvo vana mukoti vari mumakiriniki ekanzuru vachikwanisa kupa vana ava mishonga, nekuda kwekuwandirwa nebasa, vana mukoti ava havazokwanise kupa vana ava nguva yakawanda yekunzwa mamwe matambudziko avanenge vachisangana nawo.


Africaid yakatanga chirongwa ichi muGweru pakutanga kwegore rino mushure mekunge sangano iri raparura chirongwa ichi muguta reHarare mugore ra2004.

Pari zvino chirongwa ichi chiri kuitwa mumakiriniki maviri anoti Mkoba Polyclinic pamwe chete neMkoba 1 Clinic. Chirongwa ichi chinotarisirwa kutangwawo paMtapa Clinic mwedzi unouya, chichizoitwawo mumakiriniki ose ekanzuru ari manomwe, gore risati rapera.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuti paMkoba Polyclinic nepaMkoba 1 pane vana vangani vari kurarama neHIV vari muchirongwa ichi.

Mukoti mukuru mukanzuru yeguta reGweru, Amai Rosemary Mlambo, vanoti kunyange hazvo kanzuru yange yagara ichikurudzira kuti vana vadiki vanorarama nehutachiwana vavewo muzvirongwa izvi, zvange zvisinganyatshoshanda zvakanaka.

Pasi pechirongwa ichi, Africaid inosangana nevana vari kurarama neHIV/AIDS pamakakiriniki ekanzuru kaviri pamwedzi.

Pavanosangana apa vana ava vanoita mitambo yakasiyana-siyana uye vanowanawo mukana wekusanganawo nevamwe vanhu vakasiyana-siyana vanoshanda pamwe chete nesangano reafricaid.

Africaid inoti shuviro yavo ndeyekuti vasvitse chirongwa ichi kumaruwa ari mudunhu reMidlands.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG