Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yotungamira muCastle Lager Premier Soccer League


highlanders
highlanders
Highlanders ndiyo yave pamusoro peCastle Lager Premier Soccer League pazuva rimwe chete iro Liverpool iri kutarisira kuita zvimwe chetezvo mu English Barclays Premiership.

Highlanders yava pamusoro pe Castle Lager Premier Soccer League mushure mekurakasha Caps United 4-0.

Highlanders yava nemapoinzi gumi nemaviri yakaenzana neZPC Kariba, asi Highlanders iri kutungamira mushure mekunge yanwisa zvibodzwa zvakawanda.

Asi zvikwata zviviri izvi zviri kusangana mukupera kwesvondo muGwanzura Stadium munwisi wezvibodzwa, Artwell Nyamhiwa, achiyambira Bosso kuti isadheerere chikwata chekuKariba ichi.

Nyamhiwa ndiye akanwisa zvibodzwa apo ZPC Kariba yakarova Dynamos neHarare City 1-0.

ZPC Kariba pamwe Highlanders ndidzo chete dzisati dzamborohwa mumitambo ye 2014 Castle Lager Premier Soccer League zvichitevera kudamburwa kwakaitwa Dynamos neChapungu pamwe neBuffaloes 1-0.

Izvi zvasiya De Mbare iri pachinhanho chechisere yakaendzana mapoinzi mapfumbamwe ne How Mine, Shabanie, Chicken Inn pamwe ne FC Platinum.

Kwatambwa mitambo mitanhatu, Harare City, iyo yakapedza iri pachinzvimbo chechitatu gore rapera, haisati yambowana kana poindi imwe chete zvayo mushure mekurohwa mumitambo yese yayatamba.

Zvamira zvakadai muZimbabwe, makundano ekutora mukombe we English Barclays Premier League asara ari pakati pezvikwata zviviri chete cheManchester City neLiverpool mushure mekunge Chelsea yaita mangange nechikwata chiri kutambura cheNorwich City.

Mangange aya akasiya Chelsea ine mapoinzi makumi manomwe nemapfumbamwe.

Zvikwata zviri pamusoro zveManchester City neLiverpool zvakaenzana nemapoinzi makumi masere zvose.

Maneja weChelsea, Jose Mourinho, anobvuma kuti chikwata chake hachisisimo mumakundano aya asi achifara zvake kuti vari kuramba vari muChampions League gore rinouya.

Asi Liverpool inokwanisa kuenda pamusoro ikakunda Crystal Palace nhasi manheru.

Asi maneja weLiverpool, Brenda Rodgers, anoti haasi kudheerera Crystal Palace sezvo iri pamba payo muSelhurst Park.

Asi pachitarisa mitambo yasara, zviri kuratidza izvo kuti makwikwi asarira pakati peManchester City neLiverpool.

Manchester City iri kutamba neChitatu ne Aston Villa.

NeSvondo, Liverpool iri kusangana ne Newcastle, ukuwo Manchester City ichitamba ne West Ham.

Vatsigiri veLiverpool nevatsigiri ve Manchester City vose vari kutarisira kutora mukombe we English Barclays Premier League gore rino, asi chokwadi ndechekuti chikwata chimwe chete ndicho chichatora mukombe uyu.
XS
SM
MD
LG