Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yoshaya Mufaro Mushure Mekurohwa neCaps United 4-0


Highlanders
Highlanders

Mumusha weHighlanders mune kuchema kukuru zvichitevera kukwaturwa kwakaitwa chikwata ichi neSvondo.

Kuuya kwemurairidzi mutsva, Mark Mathe, achitsiva Kelvin Kaindu uyo akasiiswa basa neHighlanders, hakuna kuunza shanduko mumusha weHighlanders mushure mekunge chikwata ichi chadamburwa zvinonyadzisa 4-0 neCaps United muNational Sports Stadium neSvondo.

Kaindu akasiiswa basa mushure mekukundikana kwechikwata ichi mumitambo yakawanda zvikazowedzerwa nekurohwa kwakaitwa chikwata ichi 3-1 neZPC Kariba.

Asi zviri kuratidza kuti hapana chati chanyanyoshanduka sezvo kurohwa ne Caps United uku kwasiya Highlanders yadzikira kusvika pachinhanho chechina mushure mekunge mekumbotungamira makwikwi aya pane imwe nguva.

Kwasara mitambo mishanu. Highlanders ine mapoinzi makumi matatu nemapfumbamwe, gumi pasi pechikwata chiri kutungamira cheDynamos.

Bosso yakasiiwa zvekare neZPC Kariba iyo ine mapoinzi makumi mana nemanomwe pamwe neCaps United iyo ine mapoinzi makumi mana nemashanu.

Kunyange hazvo kudamburwa neCaps United uku kwaunza mibvunzo mikukutu mumusha weHighlanders, Mathe anoti mazuva akanaka ari pedyo achiti iye Highlanders ichine mukana wekutora mukombe we Premier Soccer League.

Zvikwata zvina zvichapedza zviri pamusoro soro zvichatamba mumakwikwi eMbada Diamonds Cup. Asi Highlanders ingangotadza kupinda mumakundano aya sezvo yakangosiya zvikwata zviri kuitevera zveFC Platinum neChicken Inn nepoindi imwe chete chete.

Asi panguva iyo veHighlanders vari kuchema, ve Caps United vari kufara nekukunda kwavo uyezve nepachinzvimbo chavave pari zvino. Murairidzi wavo, Taurai Mangwiro, anoti ari kufara zvikuru.

Tichitarisa zvikwata zviri pasi pasi, chikwata cheChiredzi chananga muDivision One pamwe chete necheBantu Rovers.

Asi zvimwe zvikwata zviviri zvichabatana nazvo zvichiri kure nekuzivikanwa. Shabanie yakazvirerutsira mushure mekurova Chapungu 1-0.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi, Muzvare Marjory Murungweni, vanoti vapunyuka mushure mekukunda Chapungu.

Asi Black Rhinos, iyo ine mapoinzi makumi maviri nematanhatu pamwe neTriangle, iyo ine mapoinzi makumi maviri nemanomwe, dzichine rwendo rurefu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG