Accessibility links

Breaking News

Chicken Inn neHighlanders Dzourayana muEasycall Final


Highlanders
Highlanders

Makundano enhabvu egore rino ari kusvika kwamvura yacheka makumbo muBarbourfields Stadium neSvondo.

Mutambo weEasycall Cup Final pakati pevavakidzani veHighlanders neChicken Inn uyo uri muBabourfields neSvondo, ndiwo uri kuwisira pasi mureza yemitambo yenhabvu yemwaka uno.

Mutambo uyu ndiwo wekugumisira kubvira mitambo yenhabvu yatanga muna Kurume zvekuti varuzhinji vari kutarisirwa kuve pamabiko aya ayo ari kuunganidza mhuri yenhabvu kubva kumativi mana ese enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutambo uyu wakabaka moto sezvo zvikwata zviviri izvi zvichibva muguta rimwe chete uyezve mushure mekunge Chicken Inn ichangotora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

VeBosso zvekare vari kutarisira kupedza gore vachipemberera mumwaka uyo vanga vachinetseka zvikuru munhandare uyo vakapedza vari pachinhanho change chisingatarisirwe neveruzhinji chechitanhatu.

Pakasangana zvikwata zviviri izvi mumitambo yeligi, Bosso yakadamburwa asi chikwata ichi chasanduka zvikuru kubvira apo Amin Soma-Phiri akapihwa basa rekurairidza Bosso.

Muteveri wenhabvu ane mukurumbira uyezve aimbove muridzi wepembe, VaSam Hamandawana, vanoti mutambo uyu uri kuratidza kuti uchanakidza zvikuru.

Muteveri wenhabvu asina chikwata chaakarerekera pakati peBosso neChicken Inn sezvo achitevera Dynamos, VaMusa Mutambanengwe, vanoti vari kuona Chicken Inn ichipedza gore rino iri mumafaro.

Chikwata chemaGame Corks chichange chiine vatambi vatatu vairwira mukombe weCastle Soccer Star of the Year kusanganisira Danny Phiri uyo akatora mukombe uyu.

Panguva imwecheteyo Bosso ichange isina Obediah Tarumwa naEric Mudzingwa avo vanzi nevePremier Soccer League havakodzeri kutamba mutambo uyu.

Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJealous Mugodi, vatya kutaura wavanofunga kuti achatora mukombe uyu vachiti ivo chikwata chichatanga kunwisa ndicho chiri kuzopemberera.

VaPremier Soccer League vayambira vanokanda zvinokuvadza munhandare kuti kuchange kune mapurisa mazhinji achadzivirira kuti zvakaitika pamutambo weCaps United neChicken Inn zvisadzokororwe.

Mutambo weEasycall Cup final ndiwo uri kuvhara makundano enhabvu emuZimbabwe egore ra 2015.

Vachatora mukombe uyu varikuwana mari inoita iyo zviuru makumi masere zvemadhora, vachakundwa vachiwanawo zviuru makumi mashanu zvemadhora.

XS
SM
MD
LG