Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voyaura neNhamo muZimbabwe


朱立伦与他阿姨合影
朱立伦与他阿姨合影

Vanhu vakawanda munyika vanoti hupenyu hwavo huri kuvaomera kurarama. Vanhu ava vanoti hurumende ye Zanu PF, iyo yakavimbisa vanhu mubasa musarudzo dzegore rapera, inofanirwa kuzadzisa zvayakavimbisa vanhu.

Vagari vazhinji vemu Harare vanoti hupenyu hausisina kuvamirira zvakanaka zvekuti vazhinji vavo vave kuti mhuri dzavo dzave kudya nhoko dzezvironda.

Mumwe wevanhu vakadai ndiVa Artwell Chibaya avo vanoti kuraramisa mhuri yavo kwava kutovanetsa zvichitevera kushayikwa kwemari munyika.

Mumwe mugari wemu Harare, Va Jeremiah Dongo, avo vanogara ku Mabvuku, vanotiwo chiri kunetsa ndechekuti mabasa haasi kuwanikwa. Nekune rumwe rutivi, makambani mazhinji ari kuvhara nepamusana pekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Va Dongo vakurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzinoita kuti vekunze vawuye munyika kuzosima mari dzavo kuitira kuti makambani mazhinji agovhura zvinozoita kuti mabasa awanikwe.

Mumwe mugari wemuHarare, Mzvare Thandiwe Gamanya, vanotiwo chimwe chiri kunetsa ndechekuti huori hwanyanyisa munyika zvave kupa kuti hurumende ishaye mari yekubhadhara vashandi sezvo vashoma varivo vari kuguta veruzhin ji vachonhonga svovse nemuromo.

Vaimbova nhengo yeparamende yaimirira Mbare, Va Piniel Denga, vanoti zvinhu zvawomerawo vose vasina kupinda muparamende rwendo rwuno sezvo hurumende iri kutadza kuvapa mari dzavaifanirwa kupihwa nehurumende vachiri muparamende.

Va Denga vanoti vazhinji vavo vave kutadza kuendesa vana kuchikoro uye vamwe vavo vavasina kudoma nemazita vave kuswera vachitengesa mumisika kuti vawane cheuviri.

Munyori weparamende, Va Austin Zvoma, varamba kutaura ne Studio 7 nezvenyaya iyi vachiti titaure negurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, avo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Asi Va Chinamasa vakaudza Studio7 svondo rapera kuti hurumende iri kutsvaga nzira dzakawanda dzinoita kuti veruzhinji varerukirwe nehupenyu.

Asi vanhu vakaita saVaDongo naMuzvare Gamanya vanoti hurumende yaZanu PF inofanirwa kuwanira vanhu mabasa nekuti vanhu vakaivhotera sezvo yakavimbisa kuwanira vanhu vanosvika mamiriyoni maviri basa.

Kudzamara nyika yakwanisa kugadzirisa nyaya dzehupfumi, veruzhinji vacharamba vachidya nhoko dzezvironda.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG