Mugovera, Chikunguru 04, 2015 Local time: 01:42

Nhau / Africa

China Yokweretesa Harare Mari yeKugadzirisa Mabasa eMvura

x
Irwin Chifera
Munyori wekanzuru yeHarare, VaTendai Mahachi, vazivisa kuti bhanga reku China, re Export and Import Bank, richapa kanzuru yavo mari yechikwereti chemamiriyoni zana nemakumi mana ane mazana mashanu ezviuru zvemadhora mukati memasvondo maviri anotevera.

Mari iyi ichashandiswa mukugadzirisa mishina yemvura pamwe nepombi dzekufambisa mvura.

Vachitaura mamiriro akaita nyaya dzemvura  muguta kukomiti yeparamende inoona nezvematunhu, VaMahachi vati mari iyi ichabatsira zvikuru mukuona kuti vagari vemuHarare vawana  mvura nguva dzose.

Vati zvirongwa zvekugadzira nzvimbo dzinochenesa mvura pamwe nedzinofambisa mvura, zvichatanga mwedzi unotevera.

Vatiwo pane chikwata chekanzuru chiri kusimuka chakananga ku China kunotenga michina nezvimwe zvinodiwa pazvirongwa izvi.

Zvirongwa izvi zvinotarisirwa kupera mukati memakore matatu anotevera.

VaMahachi vati chikwereti ichi chichabhadharwa nevagari vemuguta. Vatiwo vanofungira kuti vanhu vachange vave kubhadhara mari yemvura kana vave kuwana mvura nguva dzose. 

Pari zvino vagari vazhinji vanoti havawoni chikonero chekubhadhara mvura iyo ichigara isipo nguva zhinji.

Vaenderera mberi vachiti senzira yekuwona kuti munhu wese abhadhara mvura yaanoshandisa, kanzuru ichaisa mamita paimba imwe neimwe kana fakitori  izvo zvichaita kuti vagari vatenge mvura yavanoda kushandisa vasati vashandisa mvura yacho. Vatiwo muchina uyu uchadzima kana mari inenge yabhadhara munhu yapera.

Pari zvino kanzuru iri kuwana mamiriyoni mana emadhora kubva pamitero yemvura pamwedzi. Vatiwo  mari inosvika mamiriyoni maviri nechidimbu chemadhora inoshandiswa mukutenga mishonga yekuchenesa mvura, ukuwo miriyoni imwe chete yemadhora ichishandiswa kubhadhara magetsi.

Asi VaMahachi vayambira kuti kunyange hazvo vakaita zvese kugadzirisa zvigayo zvavo zvemvura nemapaipi, panotodiwa madhamu eKunzvi ne Musami kuti mumhu wese akwanise kuwana mvura yakakwana uye yakachena.

Asi havana kutaura kuti madhamu aya achatangwa kuvakwa rini uye kuti mari yacho iripo here kana kuti kwete.

Munyori mubazi rezvematunhu, VaKillian Mpingo,  vatsigirana naVaMahachi vachiti madhamu eKunzvi neMusami ndiwo chete anokwanisa kupedza dambudziko remvura muHarare.

Zvichikadai,  paramende yatadza kuzeya mutemo wezvesarudzo sezvange zvakatarisirwa sezvo gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vasina kuunza mutemo uyu kudare sezvinodiwa nemitemo yeparamende.

Dare iri ragara kwemaminetsi gumi nemashanu ndokubva raparara.
Gurukota rezvebumbiro remutemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vati mutemo uyu hauna kuuya kudare sezvo pane kutaurirana kuri kuitwa zvichitevera chisungo chakabuda neSADC kumusangano wayo wekuMaputo, Mozambique neMugovera.

VaMatinenga vati vanotarisira kuti nyaya iyi ichapinzwa mudare neChitatu.

You May Like

Vhidhiyo Musangano weWomen of Dominion International 2015

Musangano weWomen of Dominion International wapinda muzuva repiri muguta reCincinnatti ku Ohio. Musangano uyu, uyo wakatanga neChina uye uchipera neSvondo, unobatanidza madzimai emadzisvondo akasiyana siyana. - Praxedes Jeremiah Onai zvimwe

South Africa Inobata Nyanga dzeNzou Dzabva kuZimbabwe

Mashoko aburitswa nevanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu nezvinhu panhandare ye Oliver Tambo International Airport muJohannesburg, anoti nyanga idzi dzange dzisina matsamba uye dzange dzakavigwa mumapepa. Onai zvimwe

Musangano weWomen of Dominion International Unopinda Muzuva Repiri kuCincinnatti

Musangano uyu, uyo wakatanga neChina uye uchipera neSvondo, unobatanidza madzimai emadzisvondo akasiyana siyana. Onai zvimwe

Mutori weNhau Patrick Chitongo Anoburitswa Mujeri

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira kuChiredzi, anoti ari kunzwa kufara zvikuru nekuwaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yake itongwe achibva kumba. Onai zvimwe

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook