Accessibility links

Breaking News

Mapurisa eKanzuru yeHarare Otemana neMatombo neVanotengesera Mumigwagwa


Mapurisa ekanzuru ye Harare anonzi atemana nematombo nevanhu vanotengesera mumigwagwa avo vari kudzokera kunotengesa munzvimbo dziri kurambidzwa nekanzuru iyi.

Rwaswera rwuri rwekatsi negonzo pakati pedhorobha reHarare mapurisa ekanzuru achimhanyisana nevanhu vanotengesera mumigwagwa avo vari kudzoka kuzoita basa ravo munzvimbo dzavakadzingwa nekanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa ekanzuru ayo anga achifamba nemarori maviri anga azere matombo anonzi anga achitema vatengesi ava zvazokonzera kuti vatengesi ava vadzosere miseve kwayabva.

Mumwe wevanotengesa mumigwagwa ava, Va Chenjerai Muzanenhamo, vaudza Studio 7 vapunyuka panga pachirwisana mapurisa ekanzuru aya nevanotengesa mumigwagwa kunyangwe hazvo vatorerwa zvavanga vachitengesa.

Va Johannes Muguwe vanove mumwe wevanhu vaontengesera mumigwagwa ava vati chiri kunetsa ndechekuti vari kupihwa nzvimbo dzekutengesera vanhu ve vanotsigira Zanu PF chete pamwe nevashandi vekanzuru.

Mumwe mutengesi, Muzvare Shylet Chipenda, vati kanzuru inofanira kumira kushandisa mhirizhonga kune vanhu vanotengesera mumigwagwa vachiti vakazvipira kubuda mumigwagwa mavari kutengesera vari vachiti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya yekuvhurwa kwemakambani kuitira kuti vanhu vari kutengesa vawane chekubata.

Asi mutauriri wekanzuru, Va Michael Chideme, varamba mashoko ekuti mapurisa ekanzuru yavo vatema vatengesi ava nematombo.

Va Chideme varambawo mashoko ekuti kanzuru yavo iri kupinza nyaya dzezvematongerwo enyika mukupa vatengesi ava pekutengesera.

text: Kanzuru inoti haisi kuzodzokera kumashure panyaya dzekubvisa vanotengesera panzvimbo dzisina kutarwa ichiti iri kuda kuchenesa guta.

Asi vanotengesa ava vari kuramba kubva mudhorobha vachiti nzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti vanhu vatengesere hadzina kugadzirwa zvakanaka uye vanoti hakuna zvimbuzi.

XS
SM
MD
LG