Accessibility links

Breaking News

Kubviswa kweVanotengesera Mumigwagwa Kokonzera Mitauro Yakawanda


harare vendors
harare vendors

Kanzuru yeHarare yatanga neChiatatu kubvisa vanotengesera mumigwagwa asi paita makatanwa pakati pevanotengesera mumigwagwa ava avo vanga vachida kutorerana nzvimbo dzekutengesera.

Mutauriri wekanzuru ye Harare, Va Michael Chideme, vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo yaparura hurongwa hwekubvisa vanhu vanotengesera mumigwagwa kuitira kuti vaende kunoita basa ravo vari munzvimbo dzakatarwa nekanzuru.

Zvichitevera mashoko aVa Chideme aya, mapurisa ekanzuru anga akapakatira tsvimbo abva apinda mumigwagwa achirambidza vatengesi ava kuti vavhure zvinhu zvavo kuti vatengese vachiti vanofanira kuenda kunvzimbo dzakatarwa nekanzuru idzi.

Mapurisa ekanzuru paabvisa vanhu vanotengesa vari panze pemahofisi ekanzuru kuti vanotengesa vari pamusika wepa Copa Cabana, vagara vachitengesa panzvimbo iyoyo vabva varamba kubva vachiti havana kwekuenda.

text: Mumwe wevanotengesera mumigwagwa ava, Va Richmond Nhevedzo, vati havana kwavari kuzobva vachienda kana kanzuru isina kuvapa pekuetengesera pavanogutsikana napo.

Izvi zvatsinhirwawo naAmai Leocadia Nyajena avo vanoti hakusi kuda kwavo kuti vange vari mumigwagwa.

Vamwewo vakaita saVa Liberty Machongwe vanoti vanoda kwazvo kuve nezvitoro zvekutengesera asi zvitoro izvi zvakazadzwa vanozivikanwa munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvizvarwa zvedzimwe nyika.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano reZimbabwe Informal Sector Organization, Va Promise Mkwananzi, vashora zvaitwa nekanzuru ye Harare izvi.

Zvataurwa naVa Mkwananzi zvatsinhirwawo nemutungamiri wesangano re Unemployed Mobile Youth Foundation, Va Peter Jack.

Sachigaro musangano reNehanda Vendors Association, Va Keith Charumbira, vatiwo chinodikanwa ndechekuti hurumende igare pasi nevekanzuru pamwe nevemasangano ese anomirira vanotengesera mumigwagwa kuti vabude nehwaro hungatshandiswa kugadzirisa nyaya dzevanotengesera mumigwagwa.

Zvichakadai, VaMkwananzi vaudza Studio 7 kuti vari kuronga kuenda kumatare kuedza kumisa zvatangwa nekanzuru ye Harare izvi.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinowona nezvematunhu, Va Savior Kasukuwere, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi Va Kasukuwere vakaudza nhepfenyuro ye ZBC nezuro kuti kanzuru ye Harare inofanira kuwona kuti yabvisa vese vanotengesera mumigwagwa vakatyisidzira kuti vangangodzinga makanzura ese kana akarega kuita izvi.

Tichiri panyaya yekubviswa kwevanhu vanotengesera mumigwagwa yeguta reHarare, bato reMDC T rinoti rinoshora zvikuru danho iri sezvo hurumende ichiziva zvikonzero zvakaita kuti vanhu vapinde mumigwagwa vachiswera vachitengesa zvinhu zvavo.

Mutauriri weMDC T , VaObert Gutu, vanoti hurumende yeZanu PF yakavimbisa vanhu mabasa anodarika mamiriyoni maviri asi chiri kuwanikwa nevana veZimbabwe inhamo yekuvharirwa makambani mashoma anga asara achishanda.

Vanoti izvi ndizvo zvinovasiya vasina imwe nzira yekuriritira nayo mhuri dzavo, kunze kwekupinda mumigwagwa vachitengesa.

VaGutu vanoshorawo mashoko egurukota idzva rekutongwa kwematunhu, VaSavoir Kasukuwere, ekuti vachatwasura mashandiro emakanzuru, zvikuru kanzuru yeHarare, kana ikatadza kutora matanho panyaya yevanotengesera mumigwagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00

XS
SM
MD
LG