Accessibility links

Breaking News

Masvondo Matatu Vanhu Vasina Mvura muAshdown Park, Msasa neBloomingdale


Vagari vemumisha ye Ashdown Park, Bloomingdale ne Msasa Park muHarare vanoti havasi kufara nekushayiswa mvura nekanzuru kwemasvondo matatu apfuura.

Vagari veku Bloomingdale ne Ashdown Park vakaita saAmai Barbara Muchabaiwa vanoti havasi kufara nekugara vasina mvura zvava kuita kuti vaomerwe nehupenyu.

Amai Muchabaiwa vanoti pave nemasvondo matatu mvura isiri kubuda mudzipombi mu Bloomindale mavanogara uye vanoti kanzuru haisi kuvaudza chikonzero chekuti sei vasiri kuwana mvura.

Vaenderera mberi vachiti izvi zvava kukonzera kuti mhuri yavo igare isina kugeza uye vari kutoshaya kana donhwe rekunwa vachiti vanotoponera pane imwe chechi iri mu Ashdown Park asi parikuwandirwa pachechi pacho.

Va Herbert Mapako, avo vanogara mumusha we Msasa Park, vanotiwo vane dambudziko rakafanana nerakatarisa nevagari veku Bloomingdale ne Ashdown Park.

Va Mapako vanoti vave kutotenga mvura zuva nezuva kuti vawane yekunwa, kugeza, kuwacha kana kubikisa. Vanoti dzimwe nguva vanochera mvura munzvimbo dzisina kuchengetedzeka kuti vawane zvingavabatsire.

text: Meya wekanzuru ye Harare, Va Benard Manyenyeni, vanoti havasi kutomboziva kuti sei kanzuru yavo iri kutadza kuwanisa vagari veku Bloomingdale neku Ashdown Park mvura vachiti vanoda kutanga vataura nevashandi vekanzuru yavo kuti vanzwe kuti zviri kumbofambasei.

Asi mutauriri wekanzuru, Va Michael Chideme, vanoti kanzuru yavo ichaedza kuongorora dzambudziko iri nekukasika.

Zvichakadai, vagari vemu Bloomingdale, Ashdown Park ne Msasa Park vashora kanzuru vachiti zvinorwadza kuti vanogara kwenguva yakareba kudaro vasiri kuwaniswa mvura kanzuru ichiti haina chainoziva.

Vagari veku Bloomingdale ne Ashdown Park vanoti vave kutyira kuti pangangonyuka zvirwere zvakaita sekorera nemanyoka zvinokonzerwa netsvina iri kuikonzerwa nekushayikwa kuri kuitwa mvura.

Kanzuru yeHarare, semamwe makanzuru munyika, iri kukundikana kuita mabasa ainotarisirwa kuitwa sezvo iri kutarisana nedambudziko rekushaya mari. Izvi zviri kuwedzerwawo nevamwe vagari vakawanda vari kutadza kubhadhara mitero yavo kukanzuru.

XS
SM
MD
LG