Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Osunga Vari Kutengesa Nzvimbo Zvisiri paMutemo


Mapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, aumba chikwata chichashanda nemakanzuru emaguta mukusunga vese avo vaipa kana kutengesera vanhu nzvimbo dzekuvaka zviri kunze kwemutemo izvo zvave kukonzera kuti vanhu ava vaputsirwe dzimba dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau pamwe nevakasanobata chinzvimbo chamabharani mukuru wekanzuru yeHarare, Amai Josephine Ncube, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati chikwata ichi chichatanga kushanda nekanzuru yeHarare chisati chaenda kune mamwe makanzuru.

Amai Charamba vakukuridzira vese vari kuputsirwa dzimba nevaya vakavakira panzvimbo dzisingabvumidzwe kuti vaende nemangwaro ese avaishandisa kubhadhara mari kumakoronyera aya vachiti mapurisa achashandisa humbowo uhu kusunga vanhu ava.

Vati ZRP ichaferefeta nyaya iyi zvakasimba uye kunyange vashandi vemukanzuru vaishanda nemakoronyera aya vachasungwa nekuendeswa kumatare edzimhosva.

Kunyange hazvo vasina kutaura kuti vanhu vangani vasungwa pari zvino nenyaya iyi, Amai Charamba vati pane vanhu vakatonsungwa uye vakawanda vanotarisirwa kusungwa sezvo ZRP yave nechikwata chichange chichimirira nyaya idzi chete.

Amai Ncube vati kanzuru yeHarare yakatoita ongororo yedzimba nezvimwe zvakavakwa zviri kunze kwemutemo uye vanhu vakaita izvi vakatoziviswa kuti vabve panzvimbo idzi. Varamaba kutaura kuti idzimba ngani dzichaputswa asi vakati chirongwa ichi chiri kuenderera mberi.

Vativamwe vevanhu ava vaiomesa musoro nekuramba kuterera kanzuru ndosaka kanzuru yave kushanda nemapurisa.

Vanotiwo kanzuru iri kupa vanhu mukana wekubvisa zvinhu zvavo pachinhambo chekuti zviputswe.

Mukuru weCombined Harare Residents Association, VaMfunndo Mlilo, vaudza Studio 7 kuti vazhinji vari kuputsirwa dzimba dzavo havana magwaro avakawana kubva kukanzuru uye vati kunyange kanzuru ikapa vanhu magwaro bumbiro rinosungira kuti kanzuru ipihwe mvumo nematare edzimhosva isati yaputsa dzimba dzevanhu zvisinei kuti dzkavakwa zvisiri pamutemo here kana kuti kwete.

Vanotiwo vatambira danho ratorwa nemapurisa rekuongorora nyaya yekuvakwa nekutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira zviri kunze kwemutemo.

VaMlimo vati vane nhengo dzesangano ravo zana dzakaputsirwa dzimba, uye vati vanyorera kumukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vachikumbira kuti kuputswa kwedzimba kumbomira apo mapurisa anenge achiongorora nyaya iyi.

Mukati mamakore mashonana apfuura zviuru nezviuru zvevanhu zvakarasikirwa nemari apo zvakatengeserwa nzvimbo dzekuvakira mumaguta nevanhu vatengesa nzvimbvo dzisiri dzavo.

XS
SM
MD
LG