Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofarira Kubhadhara Mitero kuKanzuru yeHarare Vachisandisa Indaneti


Vagari vemuHarare vanoti vanotambira nemufaro hurongwa hwekanzuru hwekuti vagari vabhadhare mari dzavo kukanzuru vachishandisa hunyanzvi hwemazuva ano hwedandemutande, kana kuti indaneti.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari vemuHarare vanoti vanofarira hurongwa uhu sezvo mahofisi ese ekanzuru achange ave kubatanidzwa padandemutande nemahofisi makuru ekanzuru anoita nezvemari ari kuRowan Martin.

Vagari vanoti izvi zvichaita kuti vakwanise kuona mari dzavabhadhara kana zvikwereti zvavo vasina kuenda kumahofisi ekanzuru sezvavagara vachiita makore ose.

Vachitaura mushure mekuona kuti hurongwa uhwu hunoshanda sei, vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reCombined Harare Residents Association, VaTendai Muchada, vati danho ratorwa nekanzuru rakanaka chose uye hurongwa uhwu hunofanira kuiswa mumisha yese muguta.

Amai Regina Bakuri vesangano reHarare Residents Trusts avo vatobhadhara mari yavo vakaona kushanda kwehurongwa hutsva uhu, vatiwo kwanakanaka chose uye vanoona sekuti huchakurudzira kuti veruzhinji kuti vabhadhare mari yemitero kukanzuru.

Munyori musangano rinomirira chirikadzi reWidows Association Economic Empowerment of Zimbabwe, Amai Doreen Chimana, vatiwo vanhu vange vari kuchema nemabhiri avenge vachiwana uye chirongwa ichi chichajekesa mabhiri aya.

Nhengo yesangano rinomirira vana sorojena reZimbabwe Older Persons Association, VaGibson Jarava, ndemumwe weavo vati vafara nehurongwa hutsva hwekanzuru.

Vachitaura apo vange vachiratidza masangano anomirira vagari nemasangano akasiyana siyana muguta, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mukaznrtu yeHarare, VaMichael Chideme, vati pasi pehurongwa hutsva uhwu vagari vave kukwanisa kubhadhara mari dzavo nekungotaura nhamba yepamba pavo kwete zvekuenda nebhiri sezvaidiwa kare.

Hurongwa uhwu hwakutoshanda kumahofisi ekanzuru ari kuKuwdzana, Mufakose, Glen View, Budiriro neHighfield.

VaChideme vati pane hurongwa kwekuendesa hurongwa uhu kumahofisi ese ekanzuru muguta. Vakukurudzira vagari kuti vanyorese padandemutande rekanzuru kuti vakwanise kuona mabhiri avo ipapo kana vachinge vabhadhare pangave pacellphone, mubhanga kana kumahofisi ekanzuru.

Zvichakadai VaChideme vati vagari nemakambani vane chikwereti chinodarika mamiriyoni mazana matatu emadhora uye kanzuru yave kutora matanho ekutengesa dzimba kana midziyo yevanhu vane zvikwereti.

XS
SM
MD
LG