Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKanzuru yeGweru Voratidzira


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Vamwe vashandi vekanzuru yeguta reGweru varatidzira neChina mangwanani vachichema-chema nenyaya dzakasiyana-siyana kusanganisira kusapiwa mari dzavo dzemihoro.

Vashandi ava vashandisa nguva yavo yekunwa tii kuti varatidzire vachiimba vari panze pemahofisi ekanzuru ari muguta reGweru ndokubva vazodzokera kumabasa avo mushure mekunge vanzwa kubva kune vamwe vevatungamiri vesangano ravo revashandi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vevashandi ava vange vakabata zvinyorwa zvange zvakanyorwa mashoko akasiyana-siyana kusanganisira ange achishora makunzura pamusoro penyaya dzehuwori.

Vachitaura neStudio 7 pakuratidzira uku, mutauriri wesangano revashandi, VaCornelia Selipiwe, vati vashandi vaona zvakakodzera kuti varatidzire senzira yekuratidza kusafara kwavo pamusoro penyaya dzakasiyana-siyana kusanganisira nyaya yekuti kanzuru haisati yapa vashandi mari yemwedzi mina yegore rakapera yavakanzi nedare rezvevashandi vapihwe.

VaSelipiwe vatiwo vashandi vari kurwadziwa nenyaya yekuti havasati vawana bhonasi yegore rapera uyewo kuti havasati vapiwa mari yemihoro kubva muna Zvita kusvika pari zvino.

Vachitaurawo kuvashandi, mutevedzeri wemunyori wesangano revashandi, VaFrank Mudzorera, vati vashandi vanorwadziwa zvikuru nenyaya dzehuwori dzavati dziri kuitwa nemamwe makanzura pamwe nevamwe vashandi vekanzuru avo vasina kuda kudoma nemazita.

Mapepa aonekwa neStudio7 anoratidza kuti kanzuru ine chikwereti kuvashandi chemari inopfuura mamiriyoni maviri nemazana matanhatu emadhora.

Pavabvunzwa pamusoro pezvezvichemo zvevashandi izvi nevatapi vanhau, munyori weguta reGweru, VaDaniel Matawu, vati vange vasina zvekutaura.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna meya weguta reGweru, VaHamutendi Kombayi, sezvo vanzi vange vasiri muhofisi.

Kunyange hazvo vati vashandi vari kuedza kutaurirana nekanzuru kuti vapiwe mari yavo, VaSelipiwe vati vashandi vachaenderera mberi vachiratidzira panguva dzemangwanani ega ega, vakatiwo kana izvi zvikaramba vacharamwa mabasa munguva pfupi iri kutevera.

Nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi, makunzuru akawanda munyika ari kunetseka kuwana mari yekubhadhara vashandi uye kuita mabasa aanotarisirwa kuita nemazvo.

Asi vamwe vagari mumaguta nemumadhorobha akasiyana-siyana vanochemawo nerekuti chimwe chinhu chiri kudzorera shure mashandiro akanaka emakanzuru avo huwori hunoitwa nemamwe makunzura pamwe nevamwe vashandi vemakanzuru aya.

XS
SM
MD
LG