Accessibility links

Breaking News

Gweru Provincial Hospital Inovhura Chikamu Chitsva Chinosvikira Vakuvara


Pange pane mufaro mukuru pachipatara cheGweru Provincial Hospital pachiitiko chekuparurwa zviri pamutemo kushanda kwebazi rinotambira vanhu vakuvara kana varwarisisa, Casualty Department, pachipatara ichi muGweru neChina.

Gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vashande pamwe chete nevemaindasitiri mukubatsira hurumende kusimudzira mabasa ezvehutano munyika.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaParirenyatwa vati zvakakosha kuti veruzhinji vabatane nevemakambani mukubatsira hurumende mukusimudzira nyaya dzehutano munyika.

VaParirenyatwa vatenda kambani yeAnglo American iyo yakapa mari inosvika miriyoni yemadhora mukuvaka Casualty Department pamwe nechikamu cheVisual Inspection with Acetic Acid and Cervicography, apo panoongororwa vanhukadzi chirwere chegomarara rechibereko, uyewo kunhadzurudza zvimwe zvikamu zvechipatara cheGweru Provincial Hospital.

VaParirenyatwa vati munguva yapfuura mamiriro echipatara ichi ange achisiririsa vakaenderera mberi vachiti kuvakwa kweCasualty Department kuchabatsira kusimudzira chipatara ichi kusvika pachinhanho chekuve chipatara chikuru mudunhu reMidlands.

VaParirenyatwa vati chiitiko chanhasi muenzaniso wakanaka unofanirwa kuteedzerwa kune dzimwe nzvimbo munyika.

Mumiriri weGweru Urban mudare reparamende, VaSesil Zvidzai, avo vanovewo nhengo yekomiti yeparamedne inoona nezvehutano, vatsinhira mashoko aVaParirenyatwa.

VaZvidzai vati kushanda kwakaita bhodhi reGweru Provincial Hospital pamwe nevekambani yeUnki Mines, iyo iri pasi peAnglo-American, kuti vawane nzira dzekusimudzira nadzo chipatara ichi, zvinhu zvisati zvamboitika munyika vakati kuita kwakadai kunobatsira kusimudzira mabasa ehutano munyika.

VaObert Ncube, avo vaimbove kanzura weGweru uye variwo nhengo yeGweru Provincial Hospital vati vafara zvikuru nechiitiko chanhasi.

Mumwe mugari wemuGweru avo vangoda kuzvidoma nezita rekuti Amai Mazvimbakupa avo vange varipowo pachiitiko ichi, varumbidza kubatana kwakaratidzwa nevagari pamwe nevekambani yeAnglo American pabasa rakaitwa pachipatara cheGweru Provincial Hospital.

Sachigaro webhodhi reUnki Mines, VaJuly Moyo, avo vataura vakamirira vekambani yeAnglo American, vati itsika yekambani yavo yekuda kubastira kusimudzira hupenyu hwevanhu vanenge vari munharaunda munoshanda kambani yavo.

Bazi re Casualty Department rinokwanisa kubatsira vanhu makumi mana panguva imwe. Chipatara cheGweru Provincial Hospital chine mibhedha mazana matatu nemakumi mashanu yevarwere vanenge vachirapwa vachigara pachipatara ichi.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, nevamwe vakuru vakuru mubazi rezvehutano, vange varipowo pachiitiko ichi.

XS
SM
MD
LG