Accessibility links

Breaking News

Vagari Voramba Kukwidzirwa Mitero neKanzuru yeGuta reGweru


Vamwe vagari vemuguta reGweru vanoti havasi kufara nehurongwa hwekanzuru yavo hwekuda kuwedzera mitero gore rinouya senzira yekuunganidza mari inodiwa kushandiswa nekanzuru iyi.

Vagari vemuGweru vanoti hurongwa hwekanzuru hwekuda kukwidza mitero yakasiyana-siyana nezvikamu makumi matatu kubva muzana hunoomesera vagari panguva iyo veruzhinji munyika vakatarisana nematambudziko ekusahaya mari.

Pamusangano wavakaita nevagari neChina, mukuru wezvemari muguta reGweru, VaEdgar Mwedzi, vakazivisa kuti kanzuru ine hurongwa hwekushandisa mari inoita mamiriyoni makumi matatu nemaviri emadhora mugore rinouya.

VaMwedzi vanoti kana kanzuru ikaramba ichibhadharisa mitero iripo pari zvino, zvinoreva kuti pakupera kwegore rinouya kanzuru inenge ichizowana mari inoita mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora. Vanoti mari iyi ishoma zvikuru kana kanzuru ichida kuzadzisa zvido zvayo.

VaMwedzi vanoti kanzuru yakaona zvakakosha kuti ikwidze mitero gore rinouya kuitira kuti igokwanisa kuwana mari yakafanira yekushandisa vachitiwo, imwe yemari iyi inotarisirwa kuderedza chikwereti chekanzuru chinosvika mamiriyoni gumi emadhora.

Asi sachigaro weGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vachipa muenzaniso wekukwidzwa kwakaita mutero wemvura, vanoti kanzuru iri kunyepera vanhu kuti haina kukwidza mitero zvakanyanya.

Mumakore maviri apfuura, kanzuru yeguta reGweru haina kuchinja bhajeti rayo.

Asi VaMwedzi vanoti muhurongwa hwayo kanzuru yakarangarira kuti vanhu vari kutambura, nekudaro haina kukwidza mitero yakawanda yakanangana nevanhuwo zvavo.

Vaimbove mutevedzeri wameya weguta reGweru, VaTaurai Demo, vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti kanzuru ikwanise kuwana mari inoita kuti ikwanise kuita mabasa ayo nemazvo, uye kuti ideredze chikwereti chainacho, haifanirwe kuita izvi nekukwidza mitero.

VaDemo vanoti kuita izvi kwakafanana nemunhu anokama mombe yake kusvika aidimbura minyatso.

Mumwewo mugari, Muzvare Grace Munanzvi, vanotsigirawo maonero aya vachitsinhirawo nyaya yekuti kanzuru inofanirwa kugadzirisa nyaya yekuwana zvikwereti zvayo zviri muvagari.

Kunyange hazvo VaMwedzi vachiti kanzuru inotarisira kudzikisa chikamu chemari ichashandiswa mukubhadahara vashandi kubva pazvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, kusvika pazvikamu makumi mana chete kubva muzana, munyori mukuru weGweru United Residents Association, VaReward Mhuri, vanoti chikamu chemari inoshandiswa pakubhadhara vashandi chinofanirwa kudzika kusvika pazvikamu makumi matatu kubva muzana sezvakatarwa nemutemo webazi rematunhu.

VaMhuri vanochemachemawo nenyaya yekuti kanzuru iri kuda kukwidza mutero wevanhu vanenge vachida kutanga kuvhura musika yekutengesera zvinhu zvavo kubva pamadhora gumi kusvika pamadhora makumi maviri.

Zvisinei kuti vamwe vagari vari kuchema-chema, mumwe mugari, VaTaurai Mukarati, vanoti kanzuru yakaedza nepainogona napo kuti iite hurongwa hwekuti igokwanisa kuita mabasa ainotarisirwa kuita nemazvo ukuwo isinganyanyi kuomesera vagari.

Sachigaro weDevelopment Committee yeWard 15, Muzvare Emilia Chamunogwa, vanotsigirawo maonero aya.

Pamusangano wakaitwa neChina wekunzwa pfungwa dzavanhu vakuru vakuru vekanzuru vakazivisa kuti kanzuru inotarisira kuzobuda nehurongwa hwekushandiswa kwemari huzere mwedzi unouya mushure mekunge vagari vawana mukana wekuongorora pamwe nekupawo pfungwa dzavo pamusoro pehurongwa uhu.

Nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika, makanzuru akawanda ari kutadza kunyatsoshanda zvakanaka.

Kushaya mari kwemakanzuru uku kwakanyanyowedzerwa nechisungo chebazi rezvematunhu chakaitwa gore rapera chekuti makanzuru akanganwire vagari zvikwereti zvavaive nazvo kumakanzuru ose ari munyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG