Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Vokurudzira Kubatana muZanu PF


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vaita neChitatu musangano muCity Sports Centre nevatsigiri ve Zanu PF mu Harare vachikurudzira kuti zvipoka zviri kurwisana mubato ravo zvisiyane nekurwisana uye zvishande pamwe chete mukusimudzira bato ravo.

Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pekongiresi ye Zanu PF muna Zvita, Amai Mugabe, avo vakadomwa neboka re Women’s League kuti vave munyori webazi remadzimai pachaitwa kongiresi, vakurudzira kuti kurwisana kuri mubato ravo kupere vachiti kurwisana uku kuri kuputsa musangano wavo.

Amai Mugabe vatorawo mukana uyu kusimudza sachigaro we Zanu PF mupurovhinzi ye Harare, Va Amos Midzi, pamwe naVa Godfrey Gomwe avo vari muboka revechidiki avo vanga vachinetsana zvakakonzera kurovana nekusungisana kwenhengo dzeZanu PF mumusha unogara veruzhinji we Mbare masvondo mashoma adarika, kuti varegererane pamberi pevanhu.

Amai Mugabe vatiwo kusawirirana uku kwakanyanya kuvakuru-vakuru mumusangano wavo uye vati vatambira mashoko ekuti pane vanhu vanga vachida kuratidzira nekupinda kwavaita munyaya dzezvematongerwo asi vazotorerwa mapepa ekuratidzira aya nemapurisa pamwe chete nevasori.

Vachiri munyori mu Women’s League pari zvino, Muzvare Oppah Muchinguri, vati Amai Mugabe vakazvipira kupedza zvipoka-zvipoka zviri mubato ravo.

Zanu PF inonzi ine zvipoka zviviri zviri kuda kuzotora masimba kana mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vazosiya chigaro chavo. Chimwe chikwata chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, uye chimwe chinonzi chiri kutungamirirwa negurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa. Asi vaviri ava vari kuramba kuti vari kutungamira zvikwata izvi.

Zvichakadai, Amai Mugabe vatorawo mukana uyu kushora kupwanywa kuri kuitwa dzimba nekanzuru ye Chitungwiza ne Epworth vachipomera MDC mhosva yekushaya rudo nevanhu.

Panyaya yekuratidzira kuri kuda kuitwa nebato re MDC nepamusana kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika, Amai Mugabe vati vanozviziva kuti vanhu vakatsamwa asi vakurudzira vari muhurumende kuti vazadzise zvose zvavakavimbisa pamberi pesarudzo dzegore rapera.

Vatiwo mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanofanira kutanga vawona zvirango zvakatemerwa Va Mugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF zvabviswa vasati vafunga zvekunoratidzira.

Musangano wanhasi wapindwa nevanhu vanga vachidarika zviuru gumi uye vamwe vanhu vatadza kukwana muhoro yanga ichiitirwa musangano uyu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG