Accessibility links

Breaking News

Godo Rina Amai Mugabe Pana Amai Mujuru Robuda Pachena


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vaita musangano wavo wekupedzisira neChishanu mudunhu reMashonaland East vachishoropodza zvakadzama mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, Amai Joice Mujuru, asi vasingataure zita ravo.

Musangano wekupedzisira uyu waitirwa muRudhaka Stadium kuMarondera uko kwanzi kwauya vanhu vashoma zvakanyanya.

Panonzi pamboitawo mhirizhonga pakati pevechidiki veZanu PF panyaya yema slogan ange achiitwa.

Vechidiki vari kufamba naAmai Mugabe vange vachiita slogan yekuti pasi negamatox, izviri kuonekwa sekushora chikwata chinonzi chiri kutsigira Amai Mujuru.

Asi vechidiki vemuMashonaland East vanonzi vari kutsigira Amai Mujuru vange vachitiwo pasi nezvipfukuto zvinonzi nevamwe kwange kuri kunyombawo vari kutsigira chikwata chinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, icho chinonzi chiri kutsigirwa naAmai Mugabe.

Mapurisa anonzi atozopindira pakurwisana uku uye achidzivisa vatori venhau kuti vasatore mifananidzo yezvange zvichiitika.

Amai Mugabe vaenderera mberi nerwiyo rwavo rwekushora Amai Mujuru asi vasingavadome nezita vachiti ndivo vari kukonzera kunetsana mubato.

Amai Mugabe vati pane vanhu vasiri kuda kuti VaMugabe vapinde musarudzo dzemuna 2018 nekuti vanonokerwa nekutonga. Vayambira vanhu ava kuti zuva rekugeda geda kwemeno rave pedyo.

Vatiwo bato reMDC rakaumbwa kumba kwemumwe ari kutungamira chikwata chiri kuda kutora masimba kubva kuna VaMugabe chiri muZanu PF.

Vadzokorora zvekare mashoko avakataura kuBindura neChina ekuti nyaya yekurwira zvigaro nekuisa vanhu muzvikwata yakatanga kuMashonaland Central, kunovawo kumusha kwaAmai Mujuru.

Amai Mugabe vanonzi vakatyamadzawo vanhu apo vati muna 2008 vaida kurova sachigaro wedunhu reMashonaland East, VaRay Kaukonde, nenyaya yekutsigira chimwe chikwata mubato.

Vanonzi vati VaKaukonde vasimuke vareurure asi VaKaukonde varamba vakagara vachingoseka zvawo.

Vatiwo VaKaukonde vavanyepera kuti muMashonaland East hamuna nyaya dzekunetsana. Amai Mugabe vashorawo vatungamiri vechidiki kuManicaland, Masvingo neMashonaland East nekusauya kumisangano yavo.

Semaitiro avo kwese kwavari kuenda, Amai Mugabe vapawo vanhu chibage chavauya nacho mushure mekunyunyuta kuti Mashonaland East yanga ine vanhu vashoma vauya kuzonzwa vachitaura.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Mujuru kuti vanoti kudii kumushoko aAmai Mugabe. Amai Mujuru havasati vabuda vachitaura pane zviri kutaurwa naAmai Mugabe.

Vaimbova murwiri wehondo yerusununguko, uye vari mu high command yeZanu PF, VaBernard Manyadza, vanoti zviri pachena kuti Amai Mugabe vari kukanda tsvimbo dzavo kuna Amai Mujuru.

VaManyadza vanotiwo Amai Mujuru vanofanirwa kuonawo zvavangaite kuitira kuti varambe vari pachigaro chemutungamiri wenyika, vakati vakanonoka kuita izvi vanogona kuirasa.

Hurukuro naVaBernard Manyadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG