Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Votuka Zvakare Amai Mujuru neMDC


Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mygabe, vati vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, havazofa vakavigwa pamarinda anovigwa magamba enyika nepamusana pekuti vakapandukira mutungamiri wenyika,Va Robert Mugabe.

Vachitaura neChitatu nevatsigiri vebato ravo paChimhanda Secondary School ku Rushinga mudunhu reMashonaland Central, munyori muboka remadzimai reZanu PF reWomen’s League, Amai Grace Mugabe, vashora Amai Mujuru nekuda chigaro chaVa Mugabe vachiti Amai Mujuru havazofi vakavigwa pa Heroes Acre nokuti vakazvidza mutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mugabe vati kunze kunotonhora kana munhu achinge asiri mu Zanu PF.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naAmai Mujuru kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Amai Mugabe vaenderera mberi vachiti mapato anopikisa haafanirwe kubvumidzwa kupinda mudunhu reMashonaland Central vachiti dunhu iri ndere Zanu PF.

Amai Mugabe varambawo mashoko ari kubuda mumapepanhau ekuti ndivo vari kutungamira chipoka chemuZanu PF chiri kudaidzwa kuti G40 kana kuti Generation 40 icho chinonzi chakateya kutora masimba kubva kuna Va Mugabe kana vachinge vabva pachigaro.

Zvinonzi muZanu PF mune kusawirirana zvakanyanya panyaya yekuti achatora matomhu kubva kuna Va Mugabe ndiyani.

Mudzimai wemutungamiri wenyika atorawo zvakare mukana uyu kutsoropodza vaimbova mutungamiri weBritain, Va Tony Blair, pamwe naVa George Bush vaimbova mutungamiri weAmerica vachiti vaviri ava vanofanirwa kutongwa kudare re International Criminal Court.

Va Mugabe vanowanzotukawo America ne Britain pese pavanowana mukana wekutaura paruzhinji sezvaitwa nemudzimai wavo nhasi.

Kunyange hazvo mhuri yaVa Mugabe ine mapurazi akawanda, mazhinji acho ari pasi pekambani inonzi Gushungo Holdings, Amai Mugabe vashora vakuru vakuru muhurumende vakatora mapurazi akawanda avasiri kushandisa nemhazvo.

Zvichakadai, Amai Mugabe vatorawo mukana uyu kutuka vatori venhau vachiti vanonyora manyepo.

Mumwe mutori wenhau ane mukurumbira munyika uye vari mupepeti webepanhau re The Observer, Va Barnabas Thondlana, varatidza kusafara nemashoko aAmai Mugabe aya vachiti vatori venhau vanofanirwa kusiiwa vachiita basa ravo vakasununguk

Amai Mugabe vasiya vagovera matarakita, mbatya, shangu, ma computer pamwe nechikafu kuvagari veku Mashonaland Central vachiti havana basa nekuti vemapato anopikisa anoti chii panyaya dzekutenga mavhoti vachiti yatokwana nguva yekuti bato ravo ritsvage rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

Amai Mugabe vakatarisirwa kuita misangano nevatsigiri vavo mumatunhu ose enyika kwavanoti vachafamba vachigovera zvinhu vachiti zvavari kuita kuzadzikisa zviri muchirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio Economic Transformation kana kuti Zimasset.

XS
SM
MD
LG