Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vokurudzira Murume Wavo Kudzinga Amai Mujuru


Amai Mugabe na Amai Mujuru
Amai Mugabe na Amai Mujuru

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakurudzira murume wavo uye vari mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vadzinge basa mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, avo vavari kupomera mhosva yekuronga zvekubvisa Va Mugabe pachigaro vachishandisa chisimba.

Vachitaura pamusangano wavaita neMuvhuro nevadzidzi vemuzvikori zvepamusoro soro pamwe nevatsigiri ve Zanu PF, Amai Mugabe vakurudzira VaMugabe kuti vadzinge basa Amai Mujuru avo vavave nenguva vachiti vanofanira kusiya basa.

Zvichitevera mashoko akabuda mubepanhau re Sunday Mail neSvondo ekuti Amai Mujuru vaironga zvekuuraya VaMugabe, Amai Mugabe vati vane humbowo hwevhidhiyo inoburitsa pachena kuti Amai Mujuru vairongawo kuvauraya ivo pachezvavo.

Vati Amai Mujuru vari kupihwa mari nehurumende dzekunze yavari kushandisa muhurongwa hwekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo

Vaenderera mberi vachiti nekuda kweizvi, Amai Mujuru vanofanirwa kusungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Vatiwo kubva zvavakagadzwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, hapana chavakaita chinoratidza kuti vaimirira zvido zvemadzimai munyika.

Vatiwo vachashanda zvakasimba kuti makurukota ese ehurumende pamwe nevatevedzeri vaVa Mugabe vachasarudzwa pakongiresi ye Zanu PF vanogona kuvadzingisa zvakare kana vasiri kuita zvinhu nemazvo.

Tabata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi vakati vari mumusangano vachatifonera kana vapedza zvavari kuita.

Asi mashoko avakaburitsa nezuro anoti havana chavanoziva nezvenyaya dziri kutaurwa mazuvano naAmai Mugabe pamwe nevamwe vari muZanu PF avo vari kuvapomera mhosva yehuori, kusagona basa pamwe nekutengesa kune venyika dzekunze. Vanoti vakatosvitsa nyaya iyi kumagweta avo kuti atore matanho pamusana pekusvibiswa kuri kuitwa zita ravo.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano re Zimbabwe Congress of Students iro rinobuda pachena kuti rinotsigira Zanu PF, Va Leopold Chakanyuka, vaudza vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Amai Olivia Muchena, pamwe negurukota rinoona nezvevechidiki, Va Francis Nhema, vanofanira kusiya mabasa avo nhasi chaiye vachipomera vaviri ava mhosva yekusakoshesa zvido pamwe nezvirongwa zvevechidiki pamwe nevadziddzi.

Zvichakadai, Amai Mugabe vati vanhu vese vari kutsigira Amai Mujuru vachatorerwa matanho akaomarara mu Zanu PF.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG