Accessibility links

Breaking News

Gallup: Vakawanda muZimbabwe Havavimbe neMatare eDzimhosva


Zimbabwe High Court Rejects FM Biti's Appeal Against Phone Records Release
Zimbabwe High Court Rejects FM Biti's Appeal Against Phone Records Release

Sangano rinoshanda rakazvimirira mu America richitarisa mashandiro anoita hurumende dzepasi rose re Gallup rinoti vanhu vakawanda muZimbabwe havachavimbi nemafambisirwo anoitwa nyaya mumatare edzimhosva.

Mashoko aburitswa nesangano re Gallup anoti vanhu zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana havachavimbi nemafambisirwo anoitwa nyaya mumatare edzimhosva mu Zimbabwe.

Gallup inoti ku Democratic Republic of the Congo ndiko kune vanhu vakawanda vanoita zvikamu makumi manomwe nezvisere kubva muzana vasingavimbe nematongerwo anoitwa nyaya mumatare edzimhosva.

Sangano iri rinoti matare eku Malawi ndiwo ari pamberi munyaya dzekushanda zvakanaka uye rinoti izvi zvakaratidzwa muna Chivabvu wegore rino pakaramba matare enyika kuti vaimbova mutungamiri wenyika iyi, Amai Joyce Banda, vasendeke parutivi zvakanga zvabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika mu Malawi makare.

Mu Zimbabwe, dzimwe nyaya dzine chekuita nesarudzo dzakakwidzwa kumatare seyakakwidzwa nemutungamiri we MDC-T, Va Morgan Tsvangirai, muna 2002, hadzisati dzanzwikwa.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu munyika uye vachishanda nesangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Jeremiah Bhamu, vanoti ongororo ye Gallup iyi iri pachokwadi.

Va Bhamu vakurudzira kuti vatongi vedzimhosva vatonge vasingatye uye kuti vasapinze nyaya dzezvematongerwo enyika pakutonga kwavanoita nyaya munyika.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rezvemitemo munyika, Va Fortune Chasi, vati havana zvakawanda zvavanokwanisa kutaura vachiti havasati vaona gwaro reongororo yakaitwa ne Gallup iyi.

Zvisinei, Va Chasi vaudza Studio7 parunare kuti masangano ekunze kwwenyika anoshanda akazvimirira akaita se Gallup nemamwe haafanire kuita ongororo munyika asina kana munhu mumwe chete ambopinda munyika kuti ataure neveruzhinji kuti anzwe mafungiro avo.

Asi mashoko aburitswa ne Gallup anoti sangano iri rakataura nevanhu vakawanda munyika.

Mashoko aburitswa ne Gallup aya anouya apo vatungamiri venyika dzemu Africa vari kupinda musangano nehurumende ye America we US-Africa Summit vakatarisirwa kuzeya nyaya dzekutongwa kwenyika pamwe nekutevedzerwa kwemitemo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG