Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haina Mari yeKubatsira Vavhiringwa neMafashanu


Bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwevanhu kubva kunjodzi dzakasiyana siyana, reCivil Protection Unit, rinoti harina mari inokwana kuti ribatsire vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu zvichetevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda munyika.

Vachipa humbowo kukomiti yeseneti inoona nezverunyaro pamwe nekuchengetedzwa kwevanhu maererano nematanho avari kutora mukubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu munyika, mukuru webazi iri, VaMadzudzo Pawadyira, vati kusvika nezuro chaiko vange vasina kana sendi zvaro rekubatsira vanhu ava naro.

Vati bazi ravo range riri kuwana rubatsiro kubva kune mamwe mapazi ehurumende akaita semauto emuchadenga neepasi, mapurisa pamwe nemasangano akazvimiririra mukubatsira vanhu vari mumatambudziko.

Vati dambudziko iri rakanyanya zvikuru munzvimbo dzakaita seMuzarabani, Tsholotsho neChivi kunzvimbo dzakatenderedza dhamu reTokwe Mukosi.

Vati bazi rezvemari nezuro rakazovapa zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora uye vati mari iyi ichabatsira zvikuru sei pakutamisa mhuri mazana idzo dzine misha yakatsatika kwaChivi mushure mekunge mvura yawandisa kudarika zvainge zvakatarisirwa mudhamu reTokwe Mukosi.

VaPawadziya vati zvikopokopo zveAir Force pamwe nemasoja ane zvikepe zvidiki vari kutobatsira vanhu kwaChivi.

Vati hurumende yange iine hurongwa hwekutamisa vanhu muzvikamu nezvikamu kusvikira panopera kuvakwa dhamu reTokwe Mukosi gore rinouya. Asi vati vanhu vese vave kufanira kutamiswa pari zvino sezvo mvura iri kuwanda mudhamu izvo zvange zvisina kutarisirwa.

Asi VaPawadyira vati vamwe vevanhu ava vari kubatsirwa pari zvino vakapihwa mari yekuti vabve munzvimbo iyi kare asi vakashandisa mari iyi ndokuramba kuita zvavainge vaudzwa.

Vazivisa kuti kunzvimbo yeSipepa kuTsholotsho kune mafashamu zvekuti hakusi kufambika nedzimotokari uye bazi ravo richishanda nemauto emuchadenga neepasi rakatotumira zvikopokopo nezvikepe zvidiki kunobatsira vanhu ikoko.

Vatiwo kunyange hazvo pasina vanhu vakafa mumafashamu ariko pari zvino, pane vana vaviri chete vakatorwa nemvura murwizi Nzoumvunda rwainge rwakazara kuMuzarabani.

VaPawadyira vati mvura zhinji iri kunaya yakaparadza zvikoro, makirinika, dzimba nezvimwe mumatunhu ose munyika. Vatiwo bazi ravo riri kutokumbira rubatsiro rwekugadzirisa zvinhu izvi.

Vati pabhajeti regore rino, bazi ravo raida mamiriyoni mashanu emadhora asi rakapihwa zviuru mazana mana zvemadhora izvo zvinoritadzisa kuita basa raro nemazvo.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG