Accessibility links

Breaking News

ERC: Zimbabwe Ngaidzidze Mafambisirwo Akaitwa Sarudzo muZambia


Sangano rakazvimirira roga reElection Resource Center, ERC, iro rinokurudzira sarudzo dzakachena, rinoti sarudzo yemutungamiri weZambia yakaitwa nemazvo uye bazi reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rine zvakawanda zvarinogona kudzidza kubva kuElectoral Commission of Zambia.

ERC, iyo yakanga ichiona kufambiswa kwesarudzo yeku Zambia, inoti gwaro revavhoti rakapihwa mapato ese akanga achikwikwidza pachine nguva, izvo inoti hazvimboitiki muZimbabwe.

Vaimirira bato riri kutonga, VaEdgar Lungu, ndivo vakakunda musarudzo iyi uye vadoma neMuvhuro mutevedzeri wavo, Amai Inonge Wina, avo vakambova gurukota rinonona nezvenyaya dzemadzimai.

VaLungu vakatora mhiko neSvondo pamabiko akapindwa nevatungamiri venyika dzemuAfrica vanosanganisira, VaRobert Mugabe, avo vanova sachigaro veSadc.

Vachitaura kumabiko aya, VaMugabe vakakorokotedza mapato emuZambia pakuita sarudzo iyi murunyararo.

Asi pane vatsigiri vemapato anopikisa ekuZambia ikoko akaratidzira nemusi weMugovera achishora hutungamiri hwaVaMugabe kuLusaka. Mapato aya aiimba achiti VaMugabe vanofanirwa kusiya basa.

VaMugabe vari kutarisirwa kutora hutungamiri hweAfrican Union pamusangano ichaitwa kuEthiopia mazuva mashoma anotevera.

Mukuru weERC, VaTawanda Chimhinyi, vanoti Zimbabwe inofanirwa kudzidza zvakaitika kuZambia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG