Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzorara Panze Mushure Mekuputsirwa Dzimba kuChitungwiza neEpworth


Zimbabwe Epworth Demolish
Zimbabwe Epworth Demolish

Makanzuru e Epworth neChitungwiza afumobata jongwe muromo neChishanu achiputsa dzimba dzevanhu vari kunzi nehurumende vakavakira dzimba dzavo pasina kukodzera.

Nzvimbo dzaputswa dzinosanganisira Manyame Park ku St. Mary's, Zengeza 5, Seke Unit A, C, N, O, P ne Riverside.

Dzimba idzi dzaputswa kunyange hazvo vagari, vachishanda nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, vange vaenda kumatare vachiti zvekuputsa dzimba pasina kupa vanhu muripo kana pekugara zvinotyora bumbiro remutemo idzva.

Asi kuEpworth vanhu vanonzi vazobatana kudzivisa kuputswa kwedzimba dzavo nekanzuru. Zvinonziwo kwaita mhirizhonga mapurisa akarohwa nevanhu izvo zvazopa kuti vamwe vasungwe.

Hurumende iri kuita izvi kunyange hazvo yakamboshorwa nesangano reUnited Nations muna 2005 mushure mekuparura chirongwa cheOperation Murambatsvina chakasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vasina pekugara.

Asi hurumende inoti vanhu vekuChitungwiza neEpworth vakavakira dzimba panzvimbo dzisina kukodzera dzakaita sepasi petambo dzemagetsi, pamusoro pepombi dzemasiweji uye paida kuvakirwa zvikoro.

Mumwe aputsirwa imba ku Unit A, Amai Tsungai Munyengwa, vanoti havazivi kuti vachaita seyi sezvo vasina pekurara.

Mutauriri wesangano revagari reChitungwira Residents Trust, VaMarvellous Khumalo, vanoti zvaitwa izvi zvinotyora kodzero dzevanhu.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, zvavaona zvinosiririsa ku Epworth.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vekanzuru dzeEpworth neChitungwiza sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi gurukota rinoona nezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vanoti havaone chakaipa pane zviri kuitwa nemakanzuru aya.

VaChombo vati zviri nani kuti vanhu ava vabviswe pane kugara panzvimbo dzine tambo dzemagetsi.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaMarvellous Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaIgnatius Chombo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG