Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheTony Elumelu Chobatsira veMabhizinesi Vechidiki muAfrica


Vechidiki vemuZimbabwe gumi nemaviri vakapedza zvidzidzo zvavo munyaya dzemabhizimusi kuNigeria mukupera pesvondo pasi pechirongwa che Tony Elumelu Entrepreneurship Program.

Vechidiki ava vanoti vakawana ruzivo rwakadzama ruchavabatsira mukusimudzira mabhizimusi avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvidzidzo zvavo izvi zvakaitwa mukati memwedzi mitatu yapfuura vari muZimbabwe uye nemusi weChishanu vakanopedzisa hurongwa uhu kuNigeria.

Mumwe wevechidiki ava, ndiVa Tawanda Musvaire, vanova muridzi wekambani yeGoshen International Private Limited, iyo inogadzira zvinhu zvakasiyana siyana kubva mumarara.

Va Musvaire vanoti kusangana nevamwe vadzidzi pasi pechirongwa ichi kwakavavhurisa dzepfungwa nebasa ravanoita, uye vanotenda chirongwa ichi.

Vanoti izvi zvichavabatsira mukusimudzira bhizimusi ravo.

Zvinonzi gondo rashaya nhiyo rinokumba chero marara.

Asi VaMusvaire vanoti ivo vari kukumba marara kwete nekuti vashaya nhiyo, asi kuti iri ibasa ravanofarira zvikuru uye rinobatsira kuchengetedza zvakatikomberedza.

Muzvare Mellisa Mazingi ndemumwe wevechidiki vanga vari muchirongwa ichi.

Muzvare Mazingi, avo vane website inotengesa mbatya, vatsinhirawo mashoko ava Musvaire ekuti chirongwa ichi chavabatsira zvikuru.

Chirongwa cheTony Elumelu Entrepreneurship Program chakaparurwa nemuzvinabhizimusi weku Nigeria, Va Tony Elumelu, gore papera nechinangwa chekubatsira vechidiki venyika dzakasiyana siyana muAfrica vane mabhizimusi achiri kutanga.

Vakapinda muchirongwa chekutanga ichi, vanosvika chiuru chimwe chete uye vekuZimbabwe vari gumi nevaviri.

Mumwe nemumwe achapihwa mari inosvika zviuru gumi zvemadhora kubva kuTony Elumelu Foundation yekuvabatsira kudzamisa mabhizimusi avo.

Pamari yakapihwa, vachange vachizodzosera zviuru zvishanu zvemadhora nekufamba kwenguva.

Vamwe vemuZimbabwe vanosanganisira Va Mcwilton Chikwenengere, VaMehluli Dube, VaIgnatius Tichaona Dzingirai, Muzvare Senzeni Mpofu, VaKevin Victor Mtutu, VaJohn Muketsi, VaIan Mutamiri, Tendayi Muwomo, VaHerbert Nderezina naVaTinashe Nyoni.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG