Accessibility links

Breaking News

Vakwegura Vokumbira Rubatsiro Kubva kuHurumende


Vana sorojena munyika vanoti havasi kubatwa zvakanaka uye vari kuda kuti hurumende ivaritire nekuvapa mari nezvimwe zvekushandisa muhupenyu hwavo kuitira kuti vakwanise kurarama zvakanaka.

Vachitaura pagungano rekushambadza matambudziko anosangana nevakwegura kana kuti World Elder Abuse Awareness Day, vana sorojena ava vati kuchembera haisi mhosva uye hurumende inofanira kuumba homwe yemari yekuvarititira.

Sachigaro weZimbabwe Old Persons Association, VaJonathan Mandaza, vati vazhinji vakwegura vave kutadza kuzvichengeta nekuti mari dzavo dzemudyandigere dzakatsakatika pakatanga kushandiswa mari yekunze.

Vati vakwegura havagoni kurwisa kuti mari dzavo dzemudyandigere dzidzoke. Nokudaro VaMandaza, avo vane makore makumi matanhatu nemanomwe vati hurumende inofanirwa kuvachengeta.

Vamwe sekuru vati vanonzi VaMungate vati hurumende yeZimbabwe inofanira kuita zvinoitwa nedzimwe nyika dzinochengeta vakwegura nekuvapa mari, pekugara pakanaka pamwe nekuti varapwe pachena muzvipatara.

Vamwe ambuya vati vanonzi Ambuya Dzumbira vaudza Studio 7 kuti vakwegura vazhinji vari kutambura zvikuru munyika uye kana vana vavo havakwanisi kuvachengeta nekuti hakuna mabasa munyika.

Ambuya Dzumbura vatiwo pachinhambo chekuenda pamudya ndigere vari kuramba vachiriritira mhuri dzevana vavo vasingashande kana vakafa neHIV/AIDS.

Ambuya Dzumbira vanoti hurumende inofanirwa kuita hurongwa hwekubhadharira vagwegura mvura nedzimba kuitira kuti varerukirwe nehupenyu.

Pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika, hurumende inosungirwa kuriritira vakwegura nekuvapa mari yekuti vabatsirikane pamwe nekuti varapwe pachena.

Asi mukutanga kwegore rino vakuru vebazi rezvevashandi vehurumende pamwe nekuchengetedzwa kwevanhu vakaudza dare reparamende kuti hurumende haina mari yekuriritira vakwegura pamwe nevamwe vanotambura munyika.

Kunyange hazvo bazi iri rine bhodhi rinoona nezvevakwegura, ratadza kubvisa mari yekuti vakwegura vacherechedza zuva reWorld Elder Abuse Awareness Day.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kudira mari yakawanda muhomwe yevanhu vanoda rubatsiro zvakanyanya, zvikuru vakwegura nevana vadiki.

Mugore ra 2014, hurumende yakaisa parutivi madhora anoita mamiriyoni gumi nechidimbu. Mari iyi ishoma zvikuru sezvo muZimbabwe muine vakwegura vanodarika mamiriyoni mana pamwe nevana vadiki vakawandisa vanoda rubatsiro.

Gungano iri rarongwa nemasangano anoshanda akazvimirira ega pasi pesangano rinonzi National Ageing Network of Zimbabwe uye hurumende yange isina kumiririrwa kunyange hazvo yange yakakokwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Munyori mukuru weUnited Nations, Va Ban Ki-moon, vanoti dzihurumende pasi rose dzinofanirwa kuva nemitemo pamwe nehurongwa hwekudzivirira kushungurudzwa kwevakwegura pasi rose.

Zuva iri rinocherechedzwa musi wa15 Chikumi gore rega. Sangano reUnited Nations General Assembly rakaita kuti zuva iri richerechedzwe zviri pamutemo muna Zvita 2011.
XS
SM
MD
LG