Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Votadza Kuenda kuChikoro


Vamwe vagari veku Mt Darwin vanoti havasi kufara nekudzingwa chikoro kuri kuitwa vana vavo nepamusana pekutadza kubhadhara mari dzechikoro kunyange hazvo hurumende ichiti hapana mwana anofanira kudzingwa chikoro nepamusana pekusabhadharirwa mari dzechikoro.

Vagari veku Dotito vakaita saVa Samuel Sande vanogara mubhuku rekwa Chiutsa vanoti vana vazhinji munharaunda mavo vari kurasikirwa nenguva yakawanda vasingaendi kuchikoro sezvo vabereki vazhinji vari kutadza kubhadhara mari dzinenge dzichidiwa nezvikoro.

Va Sande vanoti vana vazhinji vava kuswera vachipota nemadziro vasingaende kuchikoro sezvo vari kudzingirwa mari dzechikoro.

Va Sande vanoti vabereki vazhinji vane zvikwereti vave kusungiswa nezvikoro izvi.

Mumwe mubereki, Va Fibion Muganda, avo vanogara mubhuku rekwa Mugari mu Dotito mekare, vanotiwo denga rakavaseka gore rino zvekuti havana kuwana goho rakanaka kuti vatengese vagowana mari yekubhadharira vana vavo mari dzechikoro.

VaMuganda vane vashanu avo vavanoti havasi kuenda kuchikoro pari zvino zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa pachikoro nechikonzero chekusabhadhara.

Kunyange hazvo zvikoro zvekumaruwa zvichibhadharisa mari iri pasi kana zvichienzaniswa nezvemumaguta, Va Muganda vanoti sezvo vasina kukohwa zvakanaka gore rino, hapana kwavachawana mari yekubhadharira vana chikoro uye vanoti vave kutomirira kana vakohwa mwaka unotevera kuti vakwanise kudzosera vanhu muzvikoro.

Vakuru vezvikoro zviri munharaunda ye Dotito vakaramba kutaura ne Studio 7 kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi vachiti mutemo wavo webasa hauvabvumidze kutaura nevatori venhau.

Pasi pechirongwa chekubatsira vana vanoshaya, che Basic Education Assistance Module (BEAM), hurumende yakapihwa mari inoita iyo mamiriyoni gumi nemashanu emadhora yekushandisa muchirongwa ichi, kunyange hazvo yakanga yakumbira mari inoita mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora yekushandisa mugore ra 2014.

Mumwe mukuru mubazi rezvekubatsirwa kwevanhu, VaSydney Mhishi, vakaudza paramende kutanga kwegore rino kuti mari yavari kupihwa ishoma, nokudaro vana vechikoro vanodarika mazana manomwe nemakumi mashanu ezviuru vachatadza kuita zvidzidzo zvavo.

Zvichakadai, gurukota rinoona nezvedzidzo, Va Lazarus Dokora, vanoti hapana mwana anofanira kudzingwa chikoro nepamusana pekutadza kubhadhara mari vachiti zvikoro zvinofanira kupedzerana nevabereki.

Nekune rumwe rutivi, bumbiro idzva remitemo yenyika rinoti mwana wese ane kodzero yekuenda kuchikoro.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vakaita mhemberero masvondo mashoma adarika dzekupedza zvidzidzo zvepamusoro-soro zveDoctor of Philosophy pa Dotito Secondary School, vakati vakaitira mhembero idzi kumaruwa senzira yekukurudzira vari kumaruwa kuti vakwanise kuendesa vana kuchikoro zvinozoita kuti hupenyu hwevana ava huve nepundutso.

Amai Mujuru vanoti dzidzo chinhu chiri kukosheswa zvikuru nehurumende, nokudaro vana vose vanofanirwa kuenda kuchikoro.

Zvichakadai, mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti vane hurongwa hwekuvaka yunivhesiti ichange ichidaidzwa kuti Robert Mugabe University mudunhu re Mashonaland Central.

Asi mumwe mugari weku Dotito, Muzvare Mavis Nyanguru, vanoti zvaAmai Mugabe ndezvekungotaura chete senzira yekutsvaga rutsigiro pamberi pekongiresi ye Zanu PF pasina kwazvinoenda.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo dzinoti Zimbabwe inyika inozivikanwa zvikuru nenyaya yedzidzo mu Africa yose, asi mbiri iyi haina chainobatsira kana vana vazhinji vekumaruwa vakaita sevana vaVaMuganda vakaramba vachidzingwa chikoro nepamusana pekushairwa mari yedzidzo.

Kudzamara dambudziko iri rakagadziriswa, kuvaka zvikoro zvepamusoro munzvimbo dzinoshaya hakuna zvakunobatsira nazvo sezvo vabereki vevadzidzi vakawanda munzvimbo idzi vasingakwanise kuwana mari dzinodiwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG