Wednesday, January 28, 2015 Local time: 06:11

Nhau / Africa

Varairidzi Vatsva Votadza Kuwana Mabasa

x
Jonga Kandemiiri
Varairidzi vachangopedza zvidzidzo zvavo zvehurairidzi paHillside Teachers’ College kuBulawayo vanosvika makumi mashanu vanoti vari kukundikana kuwana nzvimbo dzekudzidzisa mudunhu reMidlands ravakasarudza.

Varairidzi vatsva ava vanoti vakaenda kumahofisi ebazi rezvedzidzo mudunhu reMidlands vakazoendeswa kudunhu reGokwe South vachitarisira kuti vanonowana nzvimbo dzekudzidzisa.

Asi vanoti izvi hazvisi kuitika sezvo zvikoro zvavari kunzi vaende, zvichinzi hazvina nzvimbo, idzo vanoti dzakazara nevarairidzi vasina kudzidzira basa ravo.

Mumwe wevairidzi ava, uyo ati anoda kudaidzwa nerekuti VaTakunda Marozva, vanoti vave nefungidziro yekuti varairidzi vasina kudzidzira basa ava vanogona kunge vari kushandisa mari kuti varambe vari pazvikoro izvi, sezvo mutemo uchiti kana pawanikwa akadzidzira basa, asina kudzidzira basa anofanirwa kubva angosiya basa.

Varairidzi vatsva ava vanoti vakanyorera kumahofisi ebazi rezvedzidzo muGokwe South vachirizivisa nezvedambudziko ravo iri, asi havasati vapihwa mhinduro.

Mumwe ari mubazi rezvedzidzo asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwi kutaura nevatori venhau atiwo kuendeswa kwevarairidzi mumatunhu kwakarongeka zvikuru sezvo pavenenge vopedza zvidzidzo zvavo vachipiwa mukana wekusarudza matunhu avanenge vachida kunoshandira.

Atiwo zvikoro zvinenge zvichida varairidzi zvinogara zvakazivisa mahofisi avo mumatunhu ose paine nguva, izvo zvinozoita nyore kuendesa varairidzi vatsva ava sezvo bazi rezvedzidzo rinenge richiziva nechekare zvikoro zvinoda varairidzi.

Mushandi uyu, uyo ari muHarare, anoti hofisi yavo haisati yanzwa nezvedambudziko riri kuGokwe South iri.

Hurukuro naVaTakunda Marozva
Hurukuro naVaTakunda Marozvai
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

AU Yoita Chibvumirano neChina Chekuvaka Njanji, Migwagwa neNhandare dzeNdege

Chibvumirano ichi chanyoreranwa pasi nasachigaro we African Union Commission, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma, pamwe nenhumwa yeChina ku Africa, uye vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekunze kweChina, Va Zhang Ming. Onai zvimwe

VaMugabe Vangatungamire AU neSADC Zvisina Dambudziko?

African Union, iyo iri kuita musangano kuAddis Ababa, Ethiopia iri kutarisirwa kudoma VaMugabe sasachigaro sezvo pari zvino vari mutevedzeri wasachigaro. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

VaKasukuwere Voita Nhendeshure paNyaya yaVaMutasa

Vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, Va Savior Kasukuwere, vaita nhendeshure pachikumbiro chebato ravo mu Manicaland chekuti vaimbova munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, Va Didymas Mutasa, vadzingwe mumusangano. Onai zvimwe

VaChinamasa Vovandudza Mutemo Kuitira Kuti RBZ Ikwerete Mari

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vnoti chikwereti chehurumende kunyika nemabhanga ekunze chichakwira kusvika pamabhiriyoni manomwe emadhora kana hurumende ikatora chikwereti chebhanga guru renyika sezvairi kurongwa. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook