Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vabereki Vachiti Havana Mari


Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa neChipiri svondo inouya, vabereki vazhinji vachichema chema nekushaiwa mari dzekutengera vana vavo zvinodiwa, pamwe nekubhadhara mari dzechikoro.

Vabereki vakawanda vanoti vakapedzisira kutambira mari pakati pemwedzi waZvita, vachibva vapinda muzororo rekisimusi, uye kutenga mbeu nezvimwe zvinodiwa pakurima, izvo zvakazoita kuti vasare vasina mari yechikoro.

Zvikoro zvizhinji zvepuraimari zvemumaguta zvinonzi zviri kubhadharisa mari iri pakati pemadhora makumi matanhatu nemadhora makumi mapfumbamwe temu ino, madhora gumi ari emari yechikoro yakatarwa nehurumende, imwe iyi ichinzi ndeyekushandiswa mukusimidzira chikoro nemabasa acho.

Chimwe chikoro chesekondari chekumaruwa chinonzi chakamirira kupuwa mvumo nehofisi yedunhu racho kuti chibhadharise madhora makumi matatu nemashanu. Kwotiwo zvimwe zvikoro zveboarding zvinonzi zviri kubhadharisawo mari inoita mazana matatu emadhora temu ino.

Izvi zvinonzi nevabereki vazhinji zviri kuvaisa parumananzombe sezvo zvikoro zvizhinji zvisingatambiri vana vasina kubhadhara mari dzechikoro.

Chimwe chikoro chepamusoro chinodzidzisa varairidzi chinonzi chiri kuda mazana mana nemakumi mashanu emadhora, mari inonzi nevabereki vakawanda haibatiki panguva dukuduku.

Mumwe mubereki uye vakambotungamira komiti yechikoro chinopinda mumwe mwana wavo, VaFungai Garikai Mahlengwe vekuHatcliffe muHarare vati rimwe dambudziko nderemitengo yeunifomu yechikoro iyo vati yakakwira muzvitoro zvakawanda.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Studio7 kuti dambudziko rinosangana nevarairidzi nderekuti zvikoro zvizhinji hazvina zvekushandisa zvakakwana, uye kushaya varairidzi.

VaMajongwe vanotiwo zvimwe zvikoro zvine vana vakawandisa zvekuti vave kuita sematemba mukamuri imwechete, uye zvinoomesera murairidzi pakuti aite basa rake nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG