Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoyambira Vanhu Kusashanyira Nyika Dzine Ebola


Hurumende inoti vanhu vanofanirwa kumbomira kushanyira nyika dzemu West Africa dzakatarisana nedambudziko rechirwere che Ebola.

Nyika idzi dzinoti Liberia, Seirra Leone, Guine neNigeria.

Vachitaura neStudio7, gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vati vari kukurudzira zvakasimba zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvimbomira kushanyira nyika idzi.

VaParirenyatwa vanoti kunyange hazvo Zimbabwe yakagadzirira kurwisa chirwere ichi, zvizvara zveZimbabwe, kunyanya vanhu vanoshanyira nzvimbo dzinonamatirwa kuNigeria, vambomira kuita izvi kusvika pawanikwa nzira dzekurwisa chirwere ichi.

Doctor Parirenyatwa vanoti hurumende yakatotanga zvirongwa zvekuvhunzurudza vashanyi vanobva kunyika dzakatarisana nedambudziko iri pamwe nekuvavheneka kuitira kuti chirwere ichi chisapinzwe munyika nevashanyi.

Doctor Parirenyatwa vanotiwo chipatara che Wilkins Hospital uko kunorapwa vane zvirwere zvinotapuriranwa, ndicho chiri kushandiswa kuongorora avo vanenge vari kufungidzirwa kuti vangangove nechirwere ichi.

Doctor Parirenyatwa vanoti vanenge vafungidzirwa kuti vangangove nechirwere ichi vanoongororwa kwemazuva makumi maviri nerimwe kuitira kuti vaonekwe kuti vane hutachiwona hwechirwere ichi here kana kuti kwete.

Sangano re World Health Organisation, WHO, rinoti vanhu vanosvika chiuru nemazana maviri vaurayiwa nechirwere ichi mu West Africa.

WHO inotiwo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira.

Hurukuro NaDoctor David Parirenyatwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG