Accessibility links

Breaking News

VaItai Dzamara Vonamatirwa kuMandava Stadium neMugovera


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Vari kutungamira hurongwa hwekunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, vanoti neMugovera vari kubatana nevagari vemudunhu reMidlands pamunamato wavachaitira munhandare yeMandava kuMashava.

Mumwe wevari kuronga munamato uyu, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti mapato ezvematongerwo enyika achange aripowo pahurongwa uhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reMDC-T razivisawo kuti mutungamiri waro, VaMorgan Tsvangirai, vachange varipowo pamunamato uyu.

VaDzamara vave nemwedzi mishanu vapambwa mumusha weGlen View nevanhu vasingazivikanwe, uye kusvika pari zvino hapana anoziva kwavari.

Mapurisa anoti ari kuedza napose paanogona napo asi haasi kuwana zvinonengedza kuna VaDzamara.

Dare repamusoro rakatura mutongo wekuti mapurisa azivise dare masvondo maviri ega ega paanenge asvika mukutsvaga kwawo VaDzamara.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu, kusanganisira nyika dzinoti America neBritain nedzimwe, dziri kushoropodza zvikuru kutsakatika kwaVaDzamara.

XS
SM
MD
LG