Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yokweshana neHighlanders muZimbabwe National Army Charity Shield.


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Vatsigiri veDynamos neHighlanders vari kupembera zvikuru nekukunda kwakaita zvikwata zvavo panguva iyo vamwe vari kuchema mushure mekurakshwa kwezvikwata zvavanotsigira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dynamos yakakunda mumutambo weZimbabwe National Army Charity Shield.

Dynamos yave kuzosangana neHighlanders mufainari yemukombe uyu mushure mekunge Highlanders yarovawo How Mine 1-0 nechibodzwa chakabva kuna Thomas Chideu.

Asi panguva iyo vatsigiri veDynamos ne Highlanders vari kufara, muZimbabwe hamuna mufaro munyaya dzemitambo mushure mekudamburwa kwezvikwata zvenyika apo zvaitamba nevekune dzimwe nyika.

Chikwata chakamirira nyika mumakundano eCaf Confederation Cup, cheFC Platinum, chakadamburwa zvinonyadzisa 5-1 nechikwata cheYoung Africans chekuTanzania izvo zvasiya hupenyu hwacho mumakundano aya huri patambo.

FC yave kufanira kukunda 4-0 pamutambo uchatavera apo zvikwata izvi zvichasangana zvekare kuMandava Stadium masvondo maviri anotevera.

FC Platinum ndiyo yega iri kumiririra Zimbabwe muAfrica zvekuti kubuda kwayo kunosiya Zimbabwe isisina chimwe chikwata sezvo Dynamos yakatadza kupinda mumakwikwi aya nenyaya dzekushaikwa kwemari.

Mumwe muteveri wechikwata ichi, VaTichaona Muzuva, vanoti vanga vakatarisira zvikuru kukunda kweFC Platinum vachiti ivo varwadzikana zvikuru nezvakaitika izvi.

Zvichakadai, chikwata chenyika chemutambo wekiriketi chakarakashwa nemawiketsi matanhatu neIndia mumutambo wacho wekugumisira mumakwikwi eWorld Cup ekiriketi ayo achiri kuenderera mberi ku Australia.

Kurohwa neIndia uku kwakasiya maChevrons ari pachinhanho chechipiri kubva pasi pasi mushure mekukunda mumutambo mumwe chete chete pamitambo mitanhantu.

Vanoongorora zvemutambo uyu vanoti pane basa guru kuti chikwata ichi chikwanise kukunda zvimwe zvikwata sezvo zvakaratidza kuti Zimbabwe iri kumashure zvikuru tichitarisa zvikwata zvinotamba kiriketi yepamusoro.

Panguva imwe cheteyo, mutambi wemuZimbabwe wemutambo wegorofu, Brendon de Jonge, uyo anogara kuAmerica, akarasa mukana wekutora mukombe wake wekutanga muUS PGA Tour mushure mekupedza ari pachinhanho chemakumi matatu nenhatu mumakundano eVaspar International kuFlorida.

De Jonge akasimudzira zvakanaka zuva rekutanga apo akapedza ari pachinhanho chechina, ndokuwedzera mwando muzuva raitevera apo akaenda pamusoro soro pevese apo akarova yatinoti muchirungu two under par 69.

Asi akazowira pasi zvinotyisa muzuva rechitatu ndokukundikana muzuva rechina apo akaorova one under par 72 ndokukudubuka kusvika pachinhanho che makumi matatu nenhatu.

Asi vanotungamira makundano eZimbabwe Open, VaMichael Mahachi, vanoti vari kutarisa kuti de Jonge achauya kuzotamba muZimbabwe gore rino.

De Jonge haasati ambotamba kana mumakundano mamwechete muZimbabwe kubvira atanga kugara kuAmerica muna 2003.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG