Accessibility links

Breaking News

Triangle Inonyaradza Dynamos 4-2 muOne Wallet Cup


"زردی من از تو، سرخی تو از من"
"زردی من از تو، سرخی تو از من"

Chikwata cheTriangle chiri kuenda kubhanga racho chichifara zvikuru zvichitevera kunyadzisa kwachakaita chikwata chine mukurumbira che Dynamos mumakwikwi ekupedzisira e One Wallet Cup Final.

Mutambo weOne Wallet Cup wakaenda divi ranga risingatarisirwe neveruzhinji neSvondo mushure mekunge Dynamos yakadamburwa 4-2 nemapenareti, Triangle ichitora mukombe uyu, pamwe nemari inoita iyo zviuru makumi masere zvemadhora.

Zvikwata izvi zvanga zvapedza mutambo uyu zviri mangange 1-1 munhandare yainge isina vanhu vakawanda. Asi veruzhinhi vakanakidzwa nemapenareti ayo vakomana veTriangle vakaratidza kuti vaive shasha kudarika vakomana ve De Mbare.

Vatsigiri vashoma veTriangle vaive munhandare iyi vakaratidza kufara zvikuru nekukunda kwechikwata chavo apo pakaridzwa pembe yekuti mutambo wapera....

Panguva iyo veTriangle vaive murufaro, vatsigiri veDynamos vakabva vabuda munhandare vakatsamwa, Triangle isati yapihwa mukombe wayo zviri pamutemo.

Mushure mekukundwa uku, mumwe mutsigiri weDynamos, VaTendai Buns Zhakata, vanoti chikwata chavo chakatambisa mikana yakawanda yachakawana zvokuti chaifanirwa kutora mukombe uyu.

VaZhakata vanoti Triangle yaive yakananga kuti mutambo uyu uende kumapenareti sezvo vachizivikwanwa nekukunda kana mutambo wasvika pachinhanho chakadai.

Mutambo we Dynamos ne Triangle ucharamba uri pamoyo pevatsigiri veDeMbare kwenguva yakareba sezvo vaitarisira kutora mukombe uyu pamwe nemari yepamusoro.

Sezvo Dyanoms yakakundwa, iri kuendawo kubhanga ichinyemwerera sezvo iri kuwana zviuru makumi mashanu zvemadhora, ukuwo Triangle ichiwana zviuru makumi masere zvemadhora.

Panguva iyo veDynamos vari kuzhamba nekutorerwa kwavo mukombe, vatsigiri veChelsea kuBritain vari kupembera mushure mekunge chikwata chavo charova Arsenal 2-0 chichienda maponzi mashanu pamusoro peManchester City.

Manchester City iyo ine mukombe uyu, yakakundawo Aston Villa 2-0 kuti irambe ichikwikwidza zvine mutsindo.

Ukuwo Chikwata che Manchere United chafamba nzendo refu mushure mekorova Everton 2-1 neSvondo. Chikwata ichi chave pachinhanho chechina kekutanga mushure megore rose chichitambura.

Liverpool haina kuda kusaririra zvekuti yafambawo kusvika pachinzvimbo chechipfumbamwe, yakaenzana pamapoinzi gumi neArsenal, West Ham pamwe ne Aston Villa.

Chikwata che Queens Park Rangers, ichi chakarohwa ne West Ham, ndicho chave pasi pasi chichidarikwa neNewcastle iyo yakakwanisa kufamba nekunoita mangange kuSwansea iyo yave kudzikira zvinotyisa.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kudzoka svondo rino nemutambo mukuru pakati peCaps United neHighlanders muRufaro Stadium.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG