Accessibility links

Breaking News

ZPC Kariba Yotamba Zvekuda Kutora Mukombe


Castle Premier Soccer League
Castle Premier Soccer League

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa mushure mekunge ZPC Kariba yaita mashiripiti ikarova Dynamos 2-1 iyo iri kutarisirawo mukombe uyu nemziso matsvuku.

ZPC Kariba yaenda pamusoro soro pemakundano e 2014 Castle Lager Premier Soccer League ichiteverwa neDynamos.

Kukunda uku, uko kwanga kusingatarisirwe neveruzhinji kwasiya ZPC Kariba yave nepoinzi makumi mashanu nematanhatu, maviri pamusoro peDembare. Izvi zviri kuitika panguva isina kunaka sezvo kwasara mutambo mumwe chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

ZPC Kariba yave kungoda kurova Caps United mumutambo wayo wekugumisira kuti itore mukombe wegore rino. Kunyange Dynamos ikakunda zvine mutsindo mumutambo wayo wekupedzisira, izvi hazvibvisi ZPC Kariba panyanga.

Izvi zvikaitika, ZPC Kariba inoita chikwata chechipiri kutevera Black Rhinos muna 1984 kutora mukombe wePremier Soccer League gore rimwe chete yapinda mumakundano enhabvu yepamusoro soro aya.

Pamusoro pezvo, ZPC Kariba inobva yaita chikwata chekutanga kuendesa mukombe wePremier Soccer League kuguta diki risiri Harare kana Bulawayo.

Pari zvino, ZPC Kariba ndiyo yaita chikwata chekutanga pamakore mana apfuura kurova Dynamos pamusha nekunze mushure mekunge yarova Dembare zvekare 1-0 apo zvikwata izvi zvakasangana mumutambo wekutanga.

Asi makundano egore rino ave kunyanyopisa kuzvikwata zviri pasi pasi izvo zviri kurwira kudzivirira kubuda muPremiership. Hondo iri pazvikwata zviviri zviri kufanira kubatana neChiredzi pamwe neBantu Rovers kuenda kuDivision One.

Black Rhinos, iyo yakarohwa neChapungu mukupera kwesvondo, yave pachinhanho chechitatu kubva pasi pasi iine mapoinzi makumi matatu nemana, poindi imwe chete pasi peHarare City iyo yakaita mangange 1-1 neCaps United pamwe neShabanie Mine iyo yakarova Highlanders 2-1.

Mamiriro akaita zvinhu ari kuratidza kuti Black Rhinos, Shabanie, neTriangle dziri panjodzi huru nokudaro dzinofanirwa kurwa semvunda mumitambo yekupedzisira iyi.

Zvamira zvakadaro, nhabvu yeEnglish Barclays Premiership, ranga iri svondo rakaunza zvakasiyana siyana kuzvikwata zvine mukurumbira mumakundano aya zvimwe zvichichema, zvimwe zvichipemberera.

Asi kuvatsigiri veChelsea mhemberero yakatanga kare ichiri kuenderera mberi mushure mekunge chikwata chavo charova Liverpool 2-1 muAnfield.

Chikwata ichi hachisati charohwa kubvira makundano aya atanga zvekuti chave nemapoinzi makumi maviri nemapfumbamwe, mana pamusoro peSouthampton, iyo yakarova Leicester 2-0 pamusha.

Manchester United svondo rino yakakwanisawo kukunda 1-0 Crystal Palace. Asi svondo harina kumira zvakanaka kuArsenal iyo yakarohwa 2-1 ne Swansea mushure mekunge yambotungamira 1-0.

Zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka zvekare mumusha weManchester City mushure mekunge maCitizens aita mangange 2-2 nechikwata chiri pasi pasi cheQueens Park Rangers svondo rimwe chetero chakarohwa pamusha neCSKA Moscow mumakwikwi eChampions League.

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League achambomiswa svondo rino kuchipihwa mukana mumitambo inosangana nyika dzakasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG