Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Mushure Mekupfurwa kweVatema Vapfumbamwe neMurungu muAmerica


Mukomana wechidiki wechichena wemuAmerica ari kufungidzirwa kuti ndiye akauraya vanhu vakafa pachechi inopindwa nevanhu vatema muCharleston mu South Carolina, apomerwa zviri pamutemo nemhosva yekuuraya vanhu vapfumbamwe.

Dylann Roof, uyo ane makore makumi maviri nerimwe, ari kupomerwa zvakare mhosva yekuva nepfuti zviri kunze kwemutemo.

Mukomana uyu amiswa pamberi pedare masikati eChishanu.

Mapurisa naoti Roof akapinda muchechi ye Emmanuel African Methodist Episcopal Church ndokugara kweawa yose apo vanhu vaidzidza nezvebhaibheri.

Mushure mezvo anonzi akazosimuka ndokuudza vanhu vaive muchechi kuti ainge auya kuzouraya vanhu vatema.

Roof anonzi akaudza vanamati ava kuti vanhu vatema vari kubhinya vanhukadzi vechichena, uye vari kutora nyika yedu vanhu vachena.

Mutungamiri we America, VaBarack Obama, avo vairatidza kuti vainge vakatsamwa, vakati kuurayiwa kwevanhu kwakadai hakusi kuitika mudzimwe nyika dzakabudirira.

VaObama vanoziva mumwe wevanhu vakapfurwa nechitatu vakafa, Pastor Clementa Pinckney, avo vanga vava nemakore makumi mana nerimwe ekuberekwa.

Mapurisa anoti ari kutora nyaya iyi seyakakonzerwa neruvengo rwakanyanyisa. Facebook yemukoma uyu inomuratidza akapfeka mbatya dzine mireza ye Rhodesia neSouth Africa nyika idzi dzisati dzawana kuzvitonga.

Kushandiswa kwemireza yeRhodesia neSouth Africa munguva yehudzvanyiriri kwakaitwa nemukomana uyu padandemutande rake re Facebook kwakonzera mutauro wakanyanya munyika dzakawanda.

Vakawanda vanoti kuchine vamwe vachena vanopfurikidza mwero vanoda kudzokera kuhutongo hwekudzvinyirira vatema sezvaiitwa munguva yerhodesia nenguvaye apartheid mu South Africa.

Roof anonzi audzawo mapurisa kuti aida kuti patange hondo yemarudzi.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana kwemarudzi paStanford University, Muzvinafundo Brian Levin, vanoti kuSouth Carolina kune zvikwata zvakawanda zvevachena zvinoda kuti vatema vasave nekodzero.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, avo vati nyaya yekuti kune vachena vane pfungwa dzekuuraya vatema inoshungurudza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, uyo ari muAmerica, anoti zvinhu zvainge zvakaoma munguva ye Rhodesia kunyange ave kuonawo hurumende yeZanu-PF ichidzosera vanhu kunguva yekuvengana kwemarudzi.

XS
SM
MD
LG