Accessibility links

Breaking News

Murume Anorarama neHusope Okumbira Rubatsiro


Mumwe murume wechidiki ari musope, VaIsaac Dube, vanoti vane dambudziko rezvinhu zvinomera pamuviri wavo zvikuru sei pamutsipa.

VaDube vanoti havashande izvo zviri kupa kuti vatadze kuwana mari yekuti vakwanise kunorapwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaDube vanoti pava nemakore akawanda vachitsvaga rubatsiro asi pasina chinobuda. Murume wechidiki uyu, uyo ane makore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa, anoti ari kutadza kuroora nekuda kwedambudziko raanaro.

VaDube vanoti chirwere chavo chakaonekwa navana chiremba gore rapera apo akaenda kunoongororwa vamera bundu.

Nekufamba kwenguva VaDube vakawona zvakakodzera kuti vaende kuchipatara uko vakanowudzwa kuti zvavari zvaida kuti vabvise mari yakawanda iyo vange vasina.

Pari zvino VaDube vanogara naAmai vavo.Vanoti vanoshuvira kuti vawane basa rekushanda kuitira kuti vawane mari yekuti varapwe bundu iro riri kukura pari zvino.

Vanhu vanorarama nehusope vanotarisirwa pasi nguva dzose asi vaine mukana wekuzvibatsira mune zvakawanda. Va-Dube vanoti nekuda kwekuti veruzhinji havana ruzivo nezvenyaya iyi zvinopa kuti vakawanda vasarure vanorarama nehusope.

XS
SM
MD
LG