Accessibility links

Breaking News

Vakaremera Voratidza Zvavanokwanisa Kuita


Vakasanobata chinzvimbo chachipangamazano panyaya dzevanorarama nehurema kumutungamiriri wenyika, VaTimothy Stamps, vanoti hurumende iri kuedza napose painogona napo kupa mukana kuvanhu vanorarama nehurema kuti vaiti zvese zvavanoda kuti vararame zvakanaka.

Vachitaura nevatori venhau maererano nezvehurongwa hwezviratidzwa zvevanorarama nehurema kana National Disability Expo uho huchaitwa muHarare mwedzi unouya, VaStamps vati vanhu vanorarama nehurema vanokwanisa chose kurarama zvakanaka kana kuzviriritira kana vakapihwa mukana nekodzodzero dzavo.

Vati pasi rese rizere nevanhu vanorarama nehurema vakabudirira chose mushure mekupihwa mukana nerutsigiro mumabasa mumabasa avo.

Vati chinangwa chezviratidzwa izvi zviri kurongwa nemahofisi emutungamiriri wenyika pamwe neUNICEF ndechekuratidza veruzhinji kuti vanorarama nehurema kuti vanokwanisawo kuita zvinoita vasina hurema kana vakapihwa mukana.

VaGift Mabhaudhi Junior avo vanorarama nehurema uye vari mukomiti iri kuronga zviratidzwa izvi vanoti vanorarama nehurema vachange vachiratidzira zvigadzirwa zvavo pamwe nekutaura zvavanokwanisa kuita.

VaMabhaudhi vashorawo vedzi svondo vachiti vanofanira kusiya nekatsika kavo kekuona sekuti vanorarama nehurema vanenge vachida kupodzwa hurema kana vachinge vaenda kusvondo.

Mufundisi wesvondo yeFull Life Faith Chapel Prophetic Super Glory Ministries, Va Godknows Madanyaya, vati hazvina kunaka kuti vedzisvondo vatarisire vanorarama nehurema pas. Vati vanofanira kuvaremekedza sezvo Mwari vane chinangwa chavakavasikira.

Mukuru weCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vati chirongwa chehurumende chakanaka chose uye vakurudzira vanorarama nehurema nevedzisvondo kuti vataurirane uye kuti varemekedzane mudzisvondo pamwe nemukurarama zuva nezuva.

Gore rapfuura Zimbabwe yakabvuma kuteedza chisungo cheUnited Nations chekuremekedza kodzero dzevanhu vanorarama nehurema cheUN Convention on the Rights of People Living with Disabilities
XS
SM
MD
LG