Mugovera, Chivabvu 23, 2015 Local time: 12:17

Nhau / Africa

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vanoti South Africa Iri Kutyora Mitemo Yayo paZvizvarwa zveDzimwe Nyika

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob ZumaMutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
x
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
Benedict Nhlapho
Masangano anorwira kodzero dzeveruzhinji anoti South Africa iri kutyora kodzero dzezvizvarwa zvidzimwe nyika muzvirongwa zvayo zvekudzosera vanenge vabatwa vari munyika iyi zviri kunze kwemutemo.

Gwaro rakabauritswa nesangano re Solidarity Peace Trust pamwe ne People Against Suffering Oppression and Poverty – Pasop, gore rino, runoti South Africa yaidzosera mumakore matatu apfuura, zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana matatu ezviuru pagore rega rega.

Kusamira zvakanaka munyaya dzezvematongero enyika muZimbabwe, ndiko kunonzi kwakamanikidza South Africa muna 2009, kuti imise zvirongwa zvekudzosera zvizvarwa zveZimbabwe kumusha kusvikira zvinhu zvagadzikana muZimbabwe.

Asi gore rapera, hurumende yaVaJacob Zuma, yakatanga zvakare kusunga nekudzosera kuZimbabwe vanhu vanenge vapinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Sangano re International Organisation for Migration, IOM, rinoti pari zvino vanhu vari kudzoserwa kuZimbabwe vangangosvika zana mwedzi wega wega.  Asi kubva muna 2003 kusvika muna Kurume 2012, South Africa inonzi yakadzosera zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru.

Gwaro richangoburitswa nesangano reLawyers for Human Rights runoratidzawo kuti kune vakawanda vari kungodzoserwa vasina kupihwa magwaro anoratidza kuti vave kudzoserwa kunyika yavo. Sangano iri rinoti zvakare  vazhinji vanopihwa magwaro aya vanoti havanzvisisi zvaanoreva.

Mukuru wesangano re Lawyers for Human Rights,  Amai Kajaal Ramjathan Keogh, vanoti pakamba yekuMusina vakaona mapurisa achidzosera vanhu kuZimbabwe pasina mbvumo yevashandi vebazi rezvemukati menyika.

Asi muruku webazi rezvemukati menyika, VaMkuseli Apleni, vanoti kashoma kuti kudzoserwe avo vanenge vachitsvaga hupoteri.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe,  VaPater Asiti, vanoti munhu anodzoserwa kumusha kwake, munhu anenge anyimwa hupoteri nekuti South Africa inoti kuZimbabwe hakuna hondo.

Asi VaApleni vanoti South Africa haigoni kutakura matambudziko eZimbabwe ose, izvo zvinopa kuti idzosere vanenge vawanikwa vari munyika iyi zviri kunze kwemitemo.

Sangano reIOM rinobatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda nechikafu pamwe nemari yekukwira mabazi pakudzokera kumusha, kana vasiiwa pamuganhu we South Africa neZimbabwe, paBeitbridge mushure mekudzingwa muSouth Africa. Mukuru wesangano iri muSouth Africa, Va Eric Ventura, vanoti South Africa iri kushanda zvakasimba mukugadzirisa zvisiri kufamba negwara kwaro apo inenge ichidzosera vanhu kunyika dzavo.

Asi nyanzvi yakazvimirira munyaya dzezvehupfumi  uye vachishanda nerimwe bhanga muSouth Africa, Va Colls Ndlovu, vanoti chirongwa chekudzosera nechisimba zvizvarwa zvekuZimbawe kubva muSouth Africa hachina maturo ose, uye chiri kupedza mari yehurumende yenyika iyi sezvo vanhu ava vachizodzokerazve kuSouth Africa mushure mekunge vambodzingwa.

Pakati pa 2009 na 2010, South Africa yakashandisa mari inosvika bhiriyoni rimwe chete nemazana masere ezviuru zvemaranzi (1.8billion rands) muzvirongwa zvayo zvinobata vekunze kwenyika.

Asi VaApleni vanoti hurumende yavo iri kushanda husiki nesikati mukudzivirira kuti kusave nevanhu vanopinda zvisiri pamutemo pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa kuitira kuti hurumende yavo isarambe ichishandisa mari yakawanda.

South Africa ndiyo nyika pasi rose iri kutambira vapoteri vakawandisa vekune dzimwe nyika. Vapoteri ava vanobva kunyika dzakaita seMalawi, Mozambique, Somalia, Ethiopia, Nigeria, Rwanda neBurundi.

You May Like

Vatsigiri Venhabvu Votarisira maYoung Warriors neMighty Warriors Kuvapa Manyemwe

Vateveri venhabvu vanoti vava kuisa tarisiro yavo kumaYoung Warriors nemaMighty Warriors sezvo nzira yemaWarriors yasvika mukuguma kuCosafa. Onai zvimwe

Zanu PF Yoita Nyoka Huru Yozviruma

Vaimbova mutauriri weZanu PF, Va Rugare Gumbo, vanoti munhu ari kufara nezviri kuitika mu Zanu PF izvi, igurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, avo vavanoti vari kupwanya bato iri vari mukati maro. Onai zvimwe

VaTsvangirai naMuzvare Khupe Voudza Vanhu Chisungo cheKongiresi

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti semutungamiri webato, basa ravo nderekuona kuti zvisungo zvakaitwa nekongiresi yavo gore rapera, zvatevedzwa nemunhu wese, kusanganisira ivo VaTsvangirai. Onai zvimwe

Vashandi Votsamwiswa neHurumende Yavanoshandira

Musangano pakati pevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende, weNational Joint Negotitating Council waitwa neChishanu muHarare, hauna chawaburitsa sezvo vamiriri vehurumende vanzi vabuda pachena kuti hurumende haikwanise kuzadzisa zvizhinji zviri kudiwa nevashandi. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook