Accessibility links

Breaking News

Denmark Inoudza VaChinamasa Kuti Zimbabwe Iremekedze Kodzero dzeVanhu


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota reku Denmark rinoona nezvekutengesera nedzimwe nyika pamwe nemabasa ebudiririro, VaMorgen Jensen, avo vari kushanya munyika, vanoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa nyaya yekodzero dzevanhu pamwe nekuripa varimi vechichena vakatorerwa minda yavo pachirongwa chehurumende chekutora minda kana ichida rubatsiro munyaya dzehupfumi kubva kunyika iyi.

VaJensen vataura mshoko aya muHarare neChina mushure memusangano wavaita negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, pamwe nemukuru webhanga guru munyika, VaJohn Mangudya, kuti nyika yavo inokoshesha kodzero dzevanhu nekudaro inoda kuti nyika dzese dzainobatsira kana kudyidzana nadzo dziite zvimwezvo.

Vati kunyange hazvo hupfumi hweZimbabwe husina kumira zvakanaka pari zvino, pane tarisiro yekuti zvinhu zvinogona kunaka kana Zimbabwe ikatora matanho anosanganisira, kugadzirisa nyaya dzayo dzezvikwereti, kuripa vachena vakatorerwa minda yavo, pamwe nekujekesa mutemo wayo wekupa masimba kuvatema munyaya dzehupfumu.

VaChinamasa vavimbisa VaJensen kuti hurumende ichajekesa mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema nechinangwa chekukwezva vemabhizimisi vekunze kuti vauye muno.

Vatiwo hurumende inoda chose kuripa varimi vechichema sezvinosungirwa nebumbiro remitemo asi pari zvino haikwanisi kuita izvi nekuti haina mari.

VaChinamasa vati vese vakatorerwa minda vacharipwa kana mari ichinge yavepo.

VaChinamasa vaenderera mberi vachiti zvichitevera kubviswa kwezvirango zvehupfumi pamwe nenhaurirano dzavaita nhasi, vanotarisira kuti Denmark nedzimwe nyika dzekuEurope dzichange dzave kuunza mari yerubatsiro nemuhurumende kwete nemumasangano akazvimiririra.

VaJensen vati hurumende yavo yakazvipira kubatsira Zimbabwe munyaya dzekurima, nyaya dzekuvandudza mitemo kuti ienderane nebumbiro remitemo pamwe nezvimwe zvakasiyana siyana.

Pari zvino Denmark iri kubatsira bazi reJudicial Service Commission kuvaka matare edzimhosva makumi matatu mumatunhu ese munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG