Accessibility links

Breaking News

Vakarerekera kuZanu PF Voratidzira paMuzinda weAmerica muHarare


Pro Zanu PF Youths Demonstrate Against US Sanctions
Pro Zanu PF Youths Demonstrate Against US Sanctions
Nhengo dzesangano rinomimirira vana veavo vakarwira hondo yerusununguko dzaratidzira pamuzinda weAmerica muZimbabwe kwezuva richipiri dzichiti dzicharamba dzichiita izvi kudzamara America nedzimwe nyika dzekumavirira dzabvisa zvirango zvehpfumi dzazvinoti zvakatemerwa Zimbabwe.

Vechidiki ava vange vasingasviki makumi mana vange vaine zvinyorwa zvange zvichitukirira mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, pamwe nemutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vamacha kubva kuTown House mukati meguta vakachengetedzwa nemapurisa vakaenda kumuzinda weAmerica uko vange vachitamba kongongonya nekuimba dzimbo dzechimurenga.

Vechidiki ava, avo vari nhengo dzesangano rePatriotic Forum for Zimbabwe Children of National Liberation War Veterans, vanoti vacharamba vachiratidzira pamuzinda weAmerica zuva rega rega kudzamara nyika iyi yabvisa zvirango zvavanoti yakatemera Zimbabwe.

Munyori mukuru wesangano iri, VaKnowledge Kadzura, vanoti zvinoshamisa kuti America iri kurega zvirango zviripo asi iyo Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena.

Vanotiwo vakanyorera tsamba mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, nechichemo chekuti zvirango zvibviswe, asi havana kugutsikana nemhinduro yavakapihwa naVaWharton.

VaKadzura vanoti kuratidzira kuchaenderera mberi uye vechidiki kubva kumativi mana eZimbabwe vari kuuya kuHarare kuzobatana pakuratidzira uku.

America yakatobuda pachena kuti haina kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo uye inotiwo zvirango zvainoti yakatemera muntungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo mu Zanu PF, zvicharamba zviripo kudzamara nyika yaita sarudzo dzakachena pamwe nekuremekedza kodzero dzeveruzhinji.

America inoti haina kutemera nyika yose zvirango sezvinotaurwa neZanu PF, uye iri kubatsira Zimbabwe nemari iri kushandiswa muzvirongwa zvakasiyana siyana.

America ne Britain, kusanganisirawo dzimwe nyika dzekumavirira dzinogara dzakatukwa nehurumende ye Zanu PF, dziri kubatsira Zimbabwe nemari inosvika mazana mapfumbamwe emamiriyoni emadhora gore rega rega.

Mari iyi inoshandiswa munyaya dzehutano, dzidzo, chikafu nezvimwe zvinokosha muhupenyu hweveruzhinji muZimbabwe.
XS
SM
MD
LG