Chipiri, Chivabvu 26, 2015 Local time: 11:34

Nhau / Africa

Dare Rinoudza VaKunonga Kuti Vasiyane neZvivakwa zveAnglican Church

x
Irwin Chifera
Dare repamusoro soro rapa mutongo wekuti Anglican Church - Church of the Province of Central Africa CPCA – Harare Diocese, ndiyo muridzi wezvivakwa zvose zvakanga zvatorwa na Bishop Nolbert Kunonga.

Izvi zvapa kuti zvivakwa zvose zvechechi iyi zvive pasi pa Bishop Chad Gandiya, vanova mukuru we CPCA – Harare Diocese. 

Dare ratiwo VaKunonga havasi mukuru weAnglican Church muHarare.

Mutongo  uyu wapedza makakatanwa pakati pezvikwata zviviri, ayo ange ari kukonzera kuti nhengo dze CPCA – Harare Diocese dzishaye nzvimbo yekunamatira sezvo dzaitandaniswa mumachechi adzo nemapurisa achishanda naVaKunonga.

Vachitaura nemabhishopi nenhengo dzesvondo yavo mushure memutongo uyu, Bishop Gandiya vati  vanofara chose kuti mwari vanzwa minato yavo.

Bishop Gandiya vati vari kutarisira kudzokera kunoshandira kumuzinda wechechi yavo pamwe nekunamatira mudzichechi dzavo zvichitevera mutongo uyu.

Munyori muCPCA  Harare Diocese, VaMichael Chingore, vati  mutongo uyu unotaura pachena kuti VaKunonga havana kodzero yekurambira vari mumahofisi eCPCA nekuti havasi mukuru weAnglican Church. 

VaChingore vati kunyange hazvo dare risina kutara nguva yekuti VaKunonga vabude muzvivakwa zveCPCA, vanofanira kubuda nekukurumidza kuitira kuti vasaburitswe nechisimba nezvikonzi.

Nyaya iyi yakanzikwa navatongi vanoti Justice Luke Malaba, Amai Vernanda Ziyambi naVaYunus Ormerjee.

VaKunonga nevamwe vavo vakabuda mu CPCA – Harare Diocese muna 2007 vachiti vakange vasingafarire zvechingochani, vakatanga svondo yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe.

Vakazodzingwa ne Anglican Church zviri pamutemo muna 2008, asi vakaramba vakabatirira zvivakwa nemidziyo  yeCPCA kunyange hazvo vainge vabuda musvondo iyi.

Izvi zvakazoita kuti veCPCA vakwidze nyaya iyi kumatare edzimhosva, VaKunonga vakapihwa mvumo yekubata zvivakwa nemidziyo yose yechechi iyi. Asi veCPCA vakapikisa nyaya iyi kudare repamusoro soro.

Mwedzi wapera, dare iri rakapa zvakare mutongo waibvisa masimba aVaKunonga avakanga vazvipa, pamwe nekuti vasashandise midziyo yechechi iyi mumatunhu akasiyana siyana ari kunze kwe Harare Diocese.

You May Like

Zuva reAfrica Day Rinocherechedzwa Zvinhu Zvisina Kumira Zvakanaka muAfrica

Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanoti kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muAfrica vatungamiri venyika dziri mu Africa havafanire kutungamidza zvido zvavo mberi. Onai zvimwe

Hurumende Inoti Mari yeDzidzo Haisi Kuzowedzerwa Kunyange Yotadza Kubhadhara Varairidzi

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro, Doctor Godfrey Gandawa, vanoti hurumende haisi kuzoregedza zvikoro zvepamusoro soro zvichiita madiro ajojina nekuwedzera mari dzedzidzo kuti zvikoro zvepamusoro soro izvi zvikwanise kubhdhara varairidzi. Onai zvimwe

Vanotengesa Mumigwagwa Voshora Mashoko eNhengo dzeParamende Dzinoti Vabviswe muGuta reHarare

Rimwe sangano revanotengesa mumigwagwa rinoti nhengo dzaro hadzisi kuzobvuma kumbunyikidzwa nevezvematongerwo enyika avo vanonzi vari kuda kuti vanotengesera mumigwagwa yemukati medhorobha reHarare vabviswe vachinzi vari kukanganisa mafambiro ezvinhu Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa May 25, 2015

Burundi: Protests resume in capital Bujumbura against President Pierre Nkurunziza after funeral of slain opposition leader. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.

Facebook