Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Zvichitevera Kunyoresa kwaVaChiyangwa Kuti Vakwikwidze Chigaro cheZifa


Veruzhinji vanotevera mutambo wenhabvu havasi kufara nekuti nhengo yeZanu PF, VaPhillip Chiyangwa, vatore chinzvimbo chemutungamiri weZimbabwe Football Association.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi zviripo ndezvekuti veruzhinji vacho havasi ivo vanosarudza vatungamiri venhabvu asi kuti izvi zvinoitwa neZifa Council, iyo inozivikanwa zvikuru nemhaka yehuori.

Mamiriro akaita zvinhu pari zvino ari kuratidza kuti VaChiyangwa vangangotora chigaro ichi sezvo vari kufarirwa neZifa Council mushure memisangano yavakaita navo kubvira musi uyo vakati vari kuda kutungamira sangano renhabvu iri.

Asi vakawanda vari kuti VaChiyangwa havakodzeri kutora basa iri sezvo vari kuda kuti papinde munhu akambotamba nhabvu kana ane nhorondo yekutungamira mutambo uyu.

Asi VaChiyangwa vari kuti vane mari yekukwanisa kusandura zviri kuitika munhabvu muZimbabwe.

Asi vaimbove murairidzi wemaWarriors, VaMisheck Chidzambwa, vanoti kunofanira kusatariswa zvemari asi kuti munhu ane ruzivo rwenhabvu here uye kutungamira zvinhu zvinobudirira munyika.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaStanford Makwiro, vanoti hakudiwe munhu anoti anobuditsa mari yake yemohumwe yekuburitsa Zifa mumadhaka airi, asi kuti munhu anokwanisa kuti Zifa ishande zvisina huori mukati.

Muteveri weDynamos, VaPeter Mukweva, vanoti nhabvu muAfrica iri kufa nemhaka yekuisa pazvinzvimbo vanhu vasingazive zvemutambo uyu.

Vachitaura nevamwe vavo pane imwe nzvimbo yavanga vachitandara, VaMukweva vakati zviri kuda kuitwa munhabvu muZimbabwe zvakafanana nezviri kuitwa muAfrica umo vanoti nhabvu yawira pasi vachitarisa kubudirira kwayo kuEurope neku South America.

VaJosiah Munetsi, avo vanove nhengo yerimwe sangano revatsigiri vemaWarriors, reWarriors Fan Club, vanoti munhabvu hamudiwe munhu anonzi ane mari sezvo Zifa iine mari yayo kudhara.

Pari zvino vaimbotambira maWarriors, VaJames Takavada, naVa Alexander Maseko, ndivo chete vabuda pachena kuti vari kuda kukwikwidzana naVa Chiyangwa.

Benjani Mwaruwari, uyo anga achitarisirwawo kukwikwidza chinzvimbo ichi, anonzi ari kuzvipira kuve mutevedzeri wemutungamiri wenhabvu muZimbabwe. Vanga vari mutevedzeri wemutungamiri weZifa, VaOmega Sibanda, vanotiwo vari kukwikwidza chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZifa.

Vese vari kuda kukwikwidza vanofanira kuve vanyoresa mazita avo 12 dzemanheru eChina dzisati dzadarika.

Vaendesa magwaro ayo kusvika pari zvino ndiVaChiyangwa, VaSibanda, vaimbove nhengo ye Zifa Board, Va Trevor Carlise pamwe nemutauriri weguta reHarare, Va Leslie Gwindi.

Hazvisati zvazivikanwa kana VaMaseko naMwaruwari vasvitsawo magwaro avo.

Sarudzo yemutunganiri weZifa iri kuitwa musi wa 5 Zvita.

XS
SM
MD
LG