Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yonetsekana neZviri Kuitwa neKanzuru yeChitungwiza.


ZCTU
ZCTU

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kushushikana zvikuru nedanho rakatorwa nekanzuru yeChitungwiza yekumisa vatungamiri vevashandi vatanhatu basa ichivapomera mhosva yekufurira vamwe vashandi kuti varamwe mabasa mwedzi wapera.

Mugwaro ravanyora, munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti danho rakatorwa nekanzuru rinoratidza kuti iri kuda kutyisidzira vashandi kuti vasazopinda mukuratidzira mune remangwana.

VaMoyo vanoti pari zvino sangano rinomirira vashandi vemumakanzuru, re Zimbabwe Urban Councils Workers' Union, riri kuedza kuita hurukuro nekanzuru yeChitungwiza kuti vashandi ava vadzoswe pamabasa.

Hatina kukwanisa kubata vatungamiri vekanzuru yeChitungwiza kuti tinzwe divi ravo.

XS
SM
MD
LG