Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Patrick Chitongo Anoburitswa Mujeri


Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira kuChiredzi, anoti ari kunzwa kufara zvikuru nekuwaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yake itongwe achibva kumba.

Patrick Chitongo, uyo anga ari mujeri repa Buffalo Range kwemazuva anodarika svondo mushure mekutongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere,akaburitswa mujerii iri neChina nemutongi wedare ramejasitiriti kuChiredzi, VaTafadzwa Mhlanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutongi wedare akati Chitongo abvise madhora mazana maviri sechibatiso kuitira kuti akwanise kutongwa achibva kumba kwake, uye kuzviratidza kumapurisa masvondo maviri oga oga.

Chitongo akasungwa mushure mekupomerwa mhosva yekutyora mutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act nekudhinda kwaanonzi akaita bepanhau rake reSouthern Mirror asina rezinesi kubva kuZimbabwe Media Commission.

Asi gweta rake, VaMartin Mureri, vakapikisa mhosva iyi mudare repamusoro vachiti Chitongo akanga angodhinda bepanhau rimwe chete rekuti aratidze Zimbabwe Media Commission sezvinodiwa nemutemo.

Chitongo audza Studio 7 kuti haana kufadzwa nemabatirwo akaitwa nyaya yake kumatare, sezvo paive nehumbowo huzere kuti haana mutemo waakatyora.

XS
SM
MD
LG