Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weChina, VaXi Jinping, Vopinda muZimbabwe neChipiri


Mutungumiriri weChina, VaXi Jinping, vari kutarisirwa kupinda munyika mangwana mukushanya kwavo kwemazuva maviri apo vanotarisirwa kusaina zvibvumirano zvakawanda zvekudyidzana munyaya dzehupfumi pakati peZimbabwe neChina.

Munyori mubazi rinoona nekudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti VaJinping vane chikwata chavana muzvinabhizimisi vakawanda avo vari kuuya kuzotsvaka mikana yekutanga mabhizimisi muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pane makambani ekuChina ave kutoita mabasa akawanda munyika akaita sekuvandudza gwenya remagetsi rekuKariba, kuvandudza zvigayo zvemvura muHarare pamwe nekuvaka nhandare yendge kuVictoria Falls.

Vakambomirira Zimbabwe kuChina, zvakare vari gurukota rinoona nezvevakarwa hondo yerusununguko, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti nyika yese yakatarisira kushanya kwaVaJinping uye kuchasimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi.

VaMutsvangwa vati China ishamwari chaiyo yeZimbabwe vakati ndiyo nyika yakaramba yakamira neZimbabwe apo yakatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika dzekumadokero.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vanoti kushanya kwaVaJinping hakusi kwehushamwari chete asi kuti vari kutouya kuzotsvaka mabhizimisi pamwe nekuona kuti makambani ekunyika kwavo haasi kuvhiringwa muno.

VaZhangazha vati kushanya kwaVa Jinping hakuvhundutsi nyika dzakaita seAmerica uye havawoni mutungamiriri weAmerica achishanyira Zimbabwe munguva pfupi inotevera.

Mushure mekushanyira Zimbabwe kwemazuva maviri, VaJinping vachashanyirawo South Africa.

Mumwe muzvinabhizimisi, Amai Tendai Phiri, vanoti zvakakosha kuti vemabhizimisi vemuno vashandise kushanya kweVaJinping kutsvaka mikana yekudyidzana nevemazhizimisi vekuChina.

Pave nemakambani akawanda ekuChina ari muZimbabwe anochera zvicherwa zvakaita semangoda, goridhe nezvimwe, uyewo mamwe anoita zvekurima donje nefodya.

Zimbabwe neChina dzakatanga hushamwari kare apo China yaibatsira varwiri vehondo yerusununguko.

China iri kuramba ichitsigira Zimbabwe kusangano reUnited Nations uko yakaramba kutsigira zvaidiwa nedzimwe nyika kuti Zimbabwe itemerwe zvirango zvehupfumi neUnited Nations.

XS
SM
MD
LG