Accessibility links

Breaking News

VaChimbaira Vanodzekera Kuna VaTsvangirai


Tsvangirai 2
Tsvangirai 2

Vachangomiswa sachigaro veMDC inotungamirwa namuzvinafundo Welshman Ncube, Va Goodrich Chimbaira, vasiya bato iri vachidzokera ku MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai vachiti Va Ncube vanoita zvehumbimbindoga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weMDC-T pa Harvest House neChishanu, Va Chimbaira vati vawona zvakakodzera kuti vatakure katundu kavo vodzokera ku MDC-T vachiti Va Ncube munhu anoita zanondega.

Va Chimbaira vati kune vakawanda vasiri kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu naVa Ncube vavati vari munzira kuvatevera ku MDC-T.

VaChimbaira vakambomiswa neChina kuva nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNcube vachipomerwa mhosva yekufurira vamwe pamwe nekushora hutungamiri hwebato.

Va Tsvangirai vanoti vafarawo kuti Va Chimbaira vaona zvakakodzera kuti vadzoke kubato ravo vakakurudzirawo vamwe vari kune mamwe mapato vanosanganisira vari mu Zanu PF kuti vauye vashande pamwe chete neMDC mukubvisa hurumende yaVa Robert Mugabe uye kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Mashoko aVa Tsvangirai anouyawo apo vaimboona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, Va Didymas Mutasa, vakati VaTsvangirai ndivo vanofanira kuvavinga kuti vazoshanda pamwe chete.

Kudzokera kwaita Va Chimbaira kuMDC-T kunosiya Va Ncube vari pamhene sezvo vakange vari munyori mukuru webato ravo, Amai Priscilla Misiharabwi Mushonga, vakasiyawo chigaro chavo mwedzi mishoma yadarika mushure mekusawirirana nevamwe vavo mubato iri.

Asi Amai Misihaimbwi Mushonga vangosara vari nhengo isina chinzvimbo mubato.

Va Frank Chamunorwa, avo vaiva mutevedzeri waVa Chimbaira, vakasiyawo basa vachiti vatadzwo kuwirirana naVa Ncube.

Va Ncube vakapatsanurana naVa Tsvangirai muna 2005 mushure mekusawirirana panyaya dzekukwikwidza musarudzo dzedare reseneti.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVa Ncube kuti tinzwe divi rebato ravo pane zvataurwa naVa Chimbaira izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvenatongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vanoti zviri pachena kuti Va Chimbaira vanga vagara vachadzingwa ku MDC yaVaNcube.

Pane mashoko anga achiburitswa pamadandemutande achiti VaChimbaira vanga vasisawirirane naVaNcube zvichitevera kubatana kwakaita chikwata che MDC Renewal Team neMDC-N, vamwe vachiti VaChimbaira vanga vachishanda vachitsvaga vanhu mubato iri kuti vadzokere navo ku MDC-T .

XS
SM
MD
LG