Accessibility links

Breaking News

Oxfam neUNDP Dzovandudza Hupenyu kuMaruwa kuManicaland


Vagari vekuChimanimani nekuBuhera mudunhu reManicaland vari kutarisira zvikuru kubatsirwa nechirongwa chinogadzirisa dambudziko rekushanduka kuri kuita kunze, izvo zvinozoita kuti hupenyu hwavo huve nepundutso.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa ichi chichange chichitsigirawo kuti varimi vakwanise kukwereta mari kumabhanga vachizodzesera mari iyi mushure mekunge vatengesa zvinhu zvavo.

Chirongwa ichi chakaparurwa mwedzi wapera uye chichange chichtsigirwa nemasangano e Oxfam neUnited Nations Development Programme, UNDP.

Nzvimbo yekuChimanimani West munharaunda yeMhandarumwe igwenga uye inonaya mvura shoma gore rega-rega. Vagari vemunzvimbo iyi vazhinji vanorarama nekuita maricho uye kuruka zvinhu vachishandisa makavi. Izvi zviri kuitikawo muBuhera.

Masangano eOxfam neUNDP anoti akaona zvakakodzera kuparura hurongwa hwekubatsira vagari ava nezvirongwa zvichashandura magariro avo zvachose, uye kuvapawo mukana wekukwereta mari kumabhanga.

Masangano aya anenge achibatsirawo vagari nekuvapa mazano anoita kuti kushanduka kuri kuita kunze kusaomesa magariro avo.

Chirongwa ichi chine madhora mamiriyoni mana achashandiswa mukubatsira matunhu maviri aya, kusanganisirawo kuChiredzi mudunhureMasvingo kwemakore mana anotevera.

Mumwe murimi munharaunda yeMhandarume kuChimanimani, VaDaniel Mushati, vanoti nharaunda yavo ine dambudziko rekushayikwa kwemvura inovakwanira kuti vakwanise kuita mabasa avo ekurima.

VaMushati vanoti nekuda kwekushayikwa kwemvura, mabasa ose haasi kufamba sezvo chibhorani chimwe chete chemunharaunda umu chisingachabudisi mvura.

Murimi uyu anoti anotarisira kuti nekuuya kwemasangano aya maviri aya munharaunda mavo, nhamo yavo inenge yave kuzoenda kwamupfiganebwe.

VaMushati vanoti dai vakakwanisa kuwanirwa rubatsiro rwekuti pavakwe dhamu rinobata mvura shoma inenge yanaya mwaka wega wega kuitira kuti vagari vasaite dambudziko remvura.

Mumwe murimi anobva kunharaunda yeBuhera, VaRekias Machemedze, vanoti kushomeka kwemvura kuri kuvakangisa kwazvo zvokuti mombe dzavo hadzizi kukwanisa kuenda kudhibhi nekuda kwekushayikwa kwemvura yacho.

Mumwe murimi wekuBuhera,VaBenson Manjokota, vanoti kuuya kwaita veOxfam neveUNDP kuchabatsira varimi kuti vakwanise kuwanirwa mari yechikwereti kumabhanga sezvo kare vaikundikana kuita izvi.

Vanoti pakubatsirwa kuwanirwazvikwereti izvi kuchapa kuti mabasa avo ange achifambira mberi.

VaMushati vanoti zvakare hurongwa hwauya ne Oxfam neUNDP huchapa mukana wekuti varimi vawane njere uye ruzivo rwekurima zvirimwa zvinoenderana nenharaunda dzavo uye kupihwa mbeu idzi pakutanga vachizokwanisa kuzvimiririra voga nekufamba kwenguva.

Mukuru weUNDP muZimbabwe, VaJan Vossen, vanoti sangano ravo rakanangana nevarimi vekumaruwa kunyanya madzimai sezvo vari ivo vakawanda zvikuru kumaruwa.

Vanoti kunyange hazvo zvakadaro varimi vechikadzi ava havana chinoratidza kuti vane simba paminda iyi uye vanowanzonyimwa zvikwereti kumabhanga. Vanoti UNDP ichabatsira varimi ava kumaruwa kwemakore mana anotevera.

VaVossen vanoti sangano ravo richashanda zvikasimbarara nehurumende yeZimbabwe nedzimwe nyika mukuedza kusimbaradza kukoshesa kupa masimba kumadzimai munyaya dzekurima.

Munyori mubazi rezvakatikomberedza, mvura nemamiriro ekunze,VaPeter Mupazviriho, vanoti vagari vanofanirwa kukoshesha zviwanilwa uye kunzwisisa kushanduka kuri kuita kunze.

VaMupazviriho vanoti vagari venzvimbo dzakasiyana-siyana vanofanirwa kuita mabasa ekurima anoenderana nematunhu avo, vasime mbesa dzakakodzera vasingakanganisi zvakavakomberedza kuitira nhaka yeramangana avo.

XS
SM
MD
LG