Accessibility links

Breaking News

Chicken Inn Yotungamira muCastle Lager Premier Soccer League


chicken Inn Football Club
chicken Inn Football Club

Makundani eCastle Lager Premier Soccer League ave kusvika kwamvura yacheka makumbo zvokuti zvikwata zviri pamuso zvinorasa mapoinzi zvinenge zvava panguva yakaoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kwasara mitambo mitatu kuti makundano eCastle Lager Premier Soccer League apere, zvikwata zviviri zviri pamusoro zvakasiyana nemapoinzi maviri chete mushure memitambo yekupera kwesvondo.

Chicken Inn yakaita mangenge 1-1 neWhawha panguva iyo FC Platinum yakadambura Harare City 2-0.

Zvakamira zvakdai, Chicken Inn iri kutungamira ine mapoinzi makumi mashanu nemana, maviri pamusoro peFC Platinum.

Dynamos iri kuramba iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makuma mana nemasere mushure mekuita mangange 1-1 neCaps United.

VaPhillip Chiyanga, avo vari kukwikwidza kuita mutungamiri weZifa, vaiveko kumutambo uyu vachitsvaga rutsigiro.

Asi chakashamisa veruzhinji ndecheku VaChiyangwa vaiperekedzwa nemuwe ari kutarisirwa kunzi achavhota, VaOwen Chandamale

VaChandamale ndivo vanotungamira purovinzi yeHarare iyi ine mavhoti mana musarudo iyi.

Asi mumutambo weSvondo, Caps United ingadai yakakunda asi yakatadza mikana yakawanda yavakawana.

Mutambi akanwisa chibodzwa chavo, Leonard Tsipa, anoti zvakaramba kunyange hazvo vakatamba nepavanogona.

Tsipa anoti zvanhasi zvapera vave kutarisira mberi achiti iye vari kutarisira kuti Makepekepe achepadza ari pari nani.

Muriridzi weDynamos, Tonderayi Ndiraya, anoti zvahasi zvapera vave kutarisa zvamangwana.

Mimwe mitambo yakapera seizvi;

Highlanders 1 Buffaloes 0.

Hwange 0 Tsholotsho 1.

How Mine 0 Flame Lilly 0.

ZPC Kariba 1 Chapungu 1.

XS
SM
MD
LG