Accessibility links

Breaking News

Kasparov Obatsira Mutambo weChesi


Garry Kasparov
Garry Kasparov
Aimbove shasha yepasi rose yemutambo wechesi, Garry Kasparov, apa ruyamuro kumutambo wechesi muZimbabwe uyo uri kushupika zvikuru nekushaikwa kwemari.

Panguva iyo vemakambani vari kutadza kubatsira mitambo nemhaka yekuoma kwezvinhu munyika, Kasparov, uyo anobva ku Russia, apa ruyamuro rwezvekushandisa mumutambo uyu izvo zvichashandiswa mukuparadzira mutambo wechesi kumativi mana ese enyika.

Kasparov, uyo akave nyanzvi yepasi rose kwemakore anodarika gumi, apa zvekutambisa mutambo uyu zvinosanganisira matafura, mabhodhi, zvekukwikwidzisa izvo zvinodaidzwa kunzi madzimambo, pamwe nezviringazuva izvo mutungamiri weZimbabwe Chess Federation, VaCharles Kuwadza, vanoti zvichashandiswa muchirongwa cheTaking Chess To The People.

Chirongwa cheTaking Chess To The People chakanangana nekuparadzira mutambo wechesi kunzvimbo dzese dzemunyika kusanganisira kumaruwa pamwe nemuzvikoro.

VaKuwaza vanoti vanotenda zvikuru zvaitwa naKasparov, uyo anoonekwa semutambi akashura mare kudarika vese kubvira mutambo uyu watanga kutambwa pasi pano.

Kasparov akavimbisa kupa ruyamuro kuZimbabwe apo akashanya munyika ino muna Chikunguru gore rapera mushure mekunge apa zvekare ruyamuro rwakadai kunyika yeZambia iyo yave kutamba mutambo uyu zviri kudadisa.

VaKuwaza vanoti Kasparov, uyo akave zvekare mutambi wekutanga pasi rose kukwikwidza ne computer, avimbisa kuwedzera ruyamuro rwake kana akafadzwa nemafambisirwo anenge aitwa zvaapa pari zvino.

Ruyamuro rwaKasparov rwauya panguva iyo mitambo isiri kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kune vemakambani. Pamusoro pezvo, mari yakapihwa mitambo nehurumende mamirioni gumi nezviuru mazana makumi mashanu emadhora. Mari iyi ishoma kumapazi emitambo ari pasi peSport and Recreation Commission,SRC, ayo anosvika makumi mana.

Mamirioni matatu emadhora akatoendeswa mukugadzirisa nhandare dzekutambira, imwe mirioni nezviuru mazana makumi mashanu ikapihwa veSRC kuti vashandise muzvirongwa zvavo.

Izvi zvabva zvasiya mamirioni mashanu nezviuru mazana mashanu emadhora kuti mapazi ese ezvimitambo ashandise.

Mari iyoyi ndiyo zvekare iri kutarisirwa kushandiswa nezvikwata zvenyika apo zvinenge zvichienda kunokwikwidza neve kune dzimwe nyika.

Kunyange hazvo, mutambo wechesi usinganyatsopihwa huremu hwakakodzera muZimbabwe, ndeumwe wemitambo unotambwa nevanhu vakawandisa zvikuru mudzimba, muzvikoro, mudzinzira, mumabhawa, mumakirabhu pamwe nemumakwikwi anorongwa neveZimbabwe Chess Federation.

Mutambo uyu ndiwo mumwe zvekare wemitambo inoteverwa zvikuru neveruzhinhi uchitambwa nemamirioni emamiriyoni evanhu mumativi mana ese epasi rino.
XS
SM
MD
LG