Accessibility links

Breaking News

Chenjerai Hove Orangarirwa neMugovera paQueensdale Sports Club muHarare


Kuchange kuchidaidzwa asinganzwe muQueensdale muHarare apo shamwari dzemunyori aive nemukurumbira, muchakabvu Chenjerai Hove, dzichabatana nemhuri yemufi pamabiko nemitambo muchirongwa chichaitwa nemusi weMugovera.

Mutauriri weshamwari dzaVaHove idzo dziri kuronga mutambo uyu uchaitirwa kuQueensdale Sports Club, VaRay Mawerera , vaudza Studio 7 kuti ivo nevamwe vaitamba nekudyidzana nemushakabvu vakaona zvakakodzera kuita mutambo wakadai wekuvarangarira nebasa guru ravakaita rekunyora mabhuku muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMawerera, vati mhuri yaVaHove, kusanganisira mudzimai nevana vavo, vachange varipowo pamutambo uyu.

Vaenderera mberi vachiti, shamwari dzavo, vanyori vakaita sana Chirikure Chirikure, Dave Mungoshi bevananyanduri vakawanda ndevamwe vevanhu vachange vari pamutambo uyu.

Kunze kwemimhanzi, nhetembo nezvimwe, vanhu vachange vachinwawo, kugocha nekutandara uye mari ichaunganidzwa ichaendeswa kumhuri yaVaHove.

VaHove, avo vange vave nemakore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa pavakashaya, vakabuda munyika muna 2001 sezvo mafungiro avo ainge asingaenderane neehuremende yaVaRobert Mugabe.

Panguva yekushaya kwavo, VaHove, avo vakashaya kuNorway muna Chikunguru gore rino,vange vari International Writers Project Fellow paBrown University's Watson Institute for International Studies.

VaHove vakanyora mabhuku akawanda akaita saMasimba Evanhu naBones iro rikawana mubairo weNorma Award for Publishing muna 1989.

VaHove vakapihwawo mubairo weZimbabwe Literary Award muna 1987 pamwe neGerman-Africa Award for Freedom of Expression muna 2001.

VaHove vakamboshanda semupepeti wenhau kuMoto, vakazoenda kuZimbabwe Publishing House uko vakashanda semupepeti wemabhuku.

Vakazobva kuZimbabwe Publishing House vachinoita Writer in Residence paUniversity of Zimbabwe.

Vakashandawo semutori wenhau we Inter Press Services News Agency vari muHarare.

Kunyange hazvo vakafira kunze kwenyika, VaHove vakazoradzikwa kumusha kwavo kuGokwe.

XS
SM
MD
LG