Accessibility links

Breaking News

CDC yeRemekedza VaBangure neMubayiro


Sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mu America rakapa ruremekedzo kuchizvarwa chezimbabwe chinoita basa munyaya dzehutano.

Sangano re Centers For Disease Control And Prevention (CDC) rakapa Va Donewell Bangure ruremekedzo rwe 2014 William H. Foege Award.

Va Bangure, avo vanoshanda nebazi rezvehutano pa University of Zimbabwe, vari kuremekedzwa nemubayiro zvichitevera kushandisa hunyanzvi hwavo mukufambiswa kwemashoko akakosha munyaya dzehutano vachishandisa nharembozha.

VaBangure vanoyeuchidza vanhu kuti vasakanganwe kubayisa vana vavo nhomba vachivatumira ma short message service, kana kuti sms muchirongwa chemudunhu re Mashonaland West.

Mubairo waVaBangure wakaburitswa muzvinyorwa zvakaparurwa nemuzinda we America muHarare ne Chipiri. Mabiko emubayiro uyu akatoitwa muna Kubvumbi kuAtlanta, Georgia, mu America.

VaBangure vanoti zvakakosha kuti zvinyorwa zvinoitwa kuzvikoro zvepamusoro soro zviremekedzwe sezvaitwa zvinyorwa zviri kushandiswa muZimbabwe.

Sangano re CDC rinotsigira zvirongwa zviri kuitwa nebazi rezvehutano pa University of Zimbabwe senzira yekusimbaradza hunyanzvi munyaya dzezvehutano.

VaBangure ndivo chizvarwa cheAfrica chepiri kuwana ruremekedzo urwu zvichitevera kupihwa kwakaita chimwe chizvarwa chekuNigeria, Dr Luka Ibrahim, ruremekedzo urwu mugore ra 2011.

Vachitaura mugwaro remuzinda weAmerica neChipiri, vanomirira sangano re CDC muZimbabwe, Va Peter Kilmarx, vanoti kuremekedzwa kwaVaBangure kunoratidza hunyanzvi hunowanikwa pachikoro chepamusoro soro che University of Zimbabwe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



.
XS
SM
MD
LG