Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa muBulawayo Vanoti Zvinhu Zvaoma


Vamwe vanhu vanotengesa mumigwagwa zvisiri pamutemo muguta reBulawayo vanoti vanopokana nehurongwa hwehurumende hwekuvabvisa munzvimbo dzavari kutengesera vachiendeswa kunzvimbo dzavanonzi ndidzo dzavanofanirwa kutengesera zviri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaTrevor Jena murume ane makore makumi maviri nematatu uye ndemumwe wezana nemazana evanhu vari kutengesa mumigwagwag muguta reBulawayo.

VaJena, avo vakatanga kutengesa pakutanga kwegore rino, vanoti vaimborarama nekuenda kuSouth Africa vachinoshanda mumapurazi eko asi vakazofunga kudzoka kuzogara kumusha nekuda kwekuti vaive vave kuwona hupenyu hwave kuvaomera kuSouth Africa ikoko.

VaJena, avo vane mudzimai nemwana mumwe chete, vanoti havawirirane nepfungwa yehurumende yekuda kudzinga vanhu vakaita saivo panzvimbo dzavanotengesera nekuti ndizvo zviri kuvawanisa raramo pari zvino sezvo munyika musina mabasa.

Bulawayo iguta raizivikanwa riine mainndasitiri akawanda apinza mabasa zviuru nezviuru zvevanhu.

Asi nekuwondomoka kwehupfumi hweyika, makambani mazhinji akavhara.

VaJena vanoti kunyange hazvo vasingawane mari inovagutsa kubva mukutengesa uku, izvi zviri nani pane kungogarira maoko.

Mumwe mudzimai uyo akangozvidoma nezita rekuti Amai Tanaka, vanotengesawo airtime nezvimwe zvakasiyana-siyana panze peimwe supamaketi muBulawayo mekare.

SaVaJena, Amai Tanaka vanopikisanawo nepfungwa yekuti vabviswe panzvimbo yavari kutengesera vachiti kuenda kune dzimwe nzvimbo hakuzovawanise mari yakafanana neyavari kuwana vachitenegesera pavari pari zvino.

Mumwewo mutengesi wemumugwagwa, Amai Sithabile Ncube, vanoti havawone zviine musoro kuti hurumende iise pfungwa dzayo pakuda kudzinga vanhu munzvimbo dzavanotengesera isingaite zano rekugadzirisa hupfumi hwenyika kuti veruzhinji vawane mabasa.

Mumwe mudzimai akangozvidoma nezita rekuti Stella anobvumiranawo nepfungwa idzi achiti kusvika hurumende nemakanzuru vave nehurongwa hwakati tsvikiti hwekuti vanotongesa ava vachaendeswa kupi, dai varegerwa vachitengesa vari panzvimbo dzavari kutengesera pari zvino.

Sevamwewo vanotengesa mumigwaga, Muzvare Stella vanoti basa iri harizi kuvapa mari inovakwanira sezvo vanhu vakawanda vari kunetseka nekuwana mari.

Muzvare Stella vanobvumawo kuti chimwe chinhu chinoita kuti vatengesi vemumigwagwa vakaita saivo vagare vachiita hwakitsi nagonzo, inyaya yekuti havabhadhare mitero sezvinoita vamwe vanotengesera panzvimbo dziri pamutemo.

Muzvare Stella vanoti vanhu vakawanda vanotengesera panzvimbo dzisiri pamutemo vakazvipira kubhadhara mitero inodiwa kana izvi zvichiitwa negwara rakanaka uye kana mitero yacho isina kunyanya kukwira.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuvakuru vakuru vemasangano anomiririra vatengesi panyaya iyi.

Asi imwe nhengo yeBulawayo United Traders Association iyo isina kuda kutaura pamhepo sezvo yati haina mvumo yekutaura yakamirira sangano iri, inoti nhengo dzesangano rayo hadzina kutarisana nedambudziko rekudzingwa pavanotengesera nekuti vanotengesera panzvimbo dzinobvumirwa pamutemo.

Asi nhengo iyi inoti nekuda kwekutambura kuri kuita veruzhinji munyika, inonzwisisa kuchema-chema kweavo vanotengesera panzvimbo dzisiri pamutemo.

Hurumende inoti vanhu vanotengesera panzvimbo dzisiri pamutemo mumaguta akaisyana-siyana vanofanirwa kuve vabva panzvimbo idzi pakupera kwemwedzi uno.

XS
SM
MD
LG